Kingstone Mapupu
MUIMBI akamboita mukurumbira, Paradzai Mesi, uyo anotungamirira chikwata cheNjerama Boys, anoti akapotsa asiya nyemba mushure mekurumwa zvakaipisisa nembwa kumaruwa ekwaSeke uko ave kugara nekudaro ari kukumbira rubatsiro rwemari yekunorapwa kuchipatara kubva kuvatsigiri vake sezvo achiri kunzwa marwadzo akanyanya mumuviri.
Mesi, uyo ane nziyo dzakaita mukurumbira makore ekubva kuma1980 kusvika kuma2000, anoti ave kutadza kuriritira mhuri yake zvakanaka sezvo achiri kurwadziwa nemuviri.
Muimbi uyu ave kugara kwaSabhuku Nyamadzawo kudunhu raMambo Seke.
Anoti akazvionera pamhuno sefodya kuti imbwa inogona kuuraya munhu apo akarumwa paaidarika nepane mumwe musha kwaSeke.
“Ndine dambudziko randakasangana naro munguva pfupi yadarika rekurumwa nembwa ndichidarika nepadyo pemumwe musha ndichienda kunzvimbo yemabhizimisi yeChikumbarara. Paiva nembwa yaiva nevana apo ndaidarika napo ikabva yafungidzira kuti ndaida kutora kana kurwisa vana vayo ndokuuya ikandipunzira pasi, yakandiruma kakawanda gumbo rekuruboshwe ndichiridza mhere kusvikira pakazouya mumwe munhu akandinunura,” anodaro Mesi.
Muimbi uyu anoti imbwa iyi yakaita nguva yakareba ichiruma gumbo rake rekuruboshwe zvakaita kuti ridzuke roda guru.
“Varidzi vembwa vaona kukuvara uko ndakaita, vakazondipa US$30 ndikabva ndaenda kuchipatara cheKunaka Hospital kuDema uko ndakanorapwa ndikabaiwa majekiseni maviri nekupihwa mishonga yekuzora. Mushure memazuva, ronda iri rakavhara kunze asi mukati rinorwadza zvikuru zvekuti imwe nguva handirare naro,” anodaro Mesi. Muimbi uyu anoti haazive kuti imbwa yakamuruma iyi yakabaiwa here majekiseni ekudzivirira chirwere chechimbwamupengo.
“Kubva padambudziko rekurumwa nembwa iri, ndava kugara ndichirwara, ndinodikitira zvakanyanya zvichizosanduka ndichitonhorwa nekurutsa zvakare. Mari yekuti ndinorapwa handina uyezve zvandikanganisa basa rangu rekuimba pakuita mashoo sezvo ndisingagone kumira kwenguva refu. Ndave kupota ndichitadza kuenda kubasa zvekare,” anodaro Mesi.
Muimbi uyu ane mudzimai nevana 4 vanosanganisira mumwe anoenda kuchikoro.
“Ndine mwana anoenda kuchikoro saka tava kushaya zvaanoda sezvo ndisisaende kubasa zvakanaka nekurwara. Chikafu chaicho nezvimwe zvinodiwa pamba hapana. Ndinokumbira kubatsirwa kuti ndiwane mari yekunorapisa muviri wangu udzoke panzvimbo ndikwanise kuita mashoo zvizere,” anodaro Mesi.
Anoti ane kambo katsva kanonzi “Takuziva” ako anoda kutsikisa munguva pfupi iri kutevera.
“Utano ndiwo hunokosha saka ndinoda kugadzirisa muviri wangu kekutanga nekurapiswa. Kumasahwira angu ariko, ndinokumbira kubatsirwa nekukasika, vatsigiri vemimhanzi yangu variko vanoramba vachinditsigira mune zvose,” anodaro Mesi.
Kune vanoda kubatsira Mesi nemhuri yake, vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0776 251 729 kana 0776 461 016.
Mudzimai wake, Patricia Kapadza (52), anoti kurumwa kwakaitwa Mesi nembwa kwadzosera zvinhu zvizhinji kumashure pamba pavo.
“Ichokwadi baba vakarumwa nembwa ndavatuma kumagirosa uko vaida kunotenga zvinhu zvemumba. Vakarumwa gumbo rekuruboshwe vakapotsa vadamburwa tsinga yepachiziso, vakarapwa zvavo asi hazvina kupera nekuti ronda iri rinorwadzira mukati, vanotochema usiku kana kuine chando,” anodaro Kapadza.
Anoenderera mberi achiti: “Kurumwa kwavakaitwa hatizive kuti hunye hwembwa hwakasara mumuviri mavo here kana kuti kwete nekuti vava kugara vachirwara vachingorutsa nguva zhinji nekupindwa nechando uyewo kupiswa kwakanyanya. Kuenda kubasa kwavo kunoita mashoo imwe nguva vari kukundikana nekurwara uku nekudaro tinokumbira mari kubva kune vane tsiye nyoro yekuti vanorapwa nemachiremba akadzidzira basa.”