Ndakapotswa neIdai: Lunga

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Ndakapotswa neIdai: Lunga Leeroy Kamusena

Kwayedza

‘Magitare nemba zvikaparadzwa’

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo weSungura, Leeroy “Kamusena” Lunga, anoti haasisina pekutangira zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa imba yake pamwe chete nemagitare nemimwe midziyo yekuridzisa mimhanzi munjodzi yemafashamu akakonzerwa neTropical Cyclone Idai masvondo adarika.

Kamusena – uyo anga ave kugara kudunhu reTete, kuMozambique, anoti kudzoka kwaakaita muZimbabwe kuzotsikisa dambarefu rake mumazuva aitika mafashamu aya ndiko kwakamuponesa sezvo imba yake yakasara ichiparadzwa kumusha kuMozambique.

“Kutaura kuno handina neremuromo, midzimu yangu yakanditungamirira, yakandinzvengesa kuti ndive pandiri pano nhasi. Ndingadai ndakayeredzwa nemafashamu eCyclone Idai.

“Imba yangu nemagitare angu ese zvose zvakaparadzwa nemafashamu. Handizive kuti ndikadzokera ndinonogara pai sezvo ndisina pekutangira.

“Ndakauya kuno ndichiti ndiri kuzobika dambarefu rangu idzva uye nekushanyira hama neshamwari ndisingatozive kuti ndaitotiza mafashamu ayo akaparadza dzimba ndokuuraya vanhu,” anodaro Kamusena.

Anoti paakauya kuZimbabwe, akasiya mukomana anoridza magitare muchikwata chake cheBoys dzeSena anonzi John Manhoso (Jnr) akachengeta pamba pake uyo waanoti akayeredzwa nemafashamu aya asi akazopunyuka nepaburi retsono.

“Pandakauya, ndakasiya ndakachengetesa pamba pangu nemukomana anoridza muchikwata changu uyo akayeredzwa nemvura pakaitika mafashamu aya. Imba yangu ikaparadzwa.

“Asi tinongotenda Mwari nekuti muchinda uyu haana kufa, akazobatsirwa. Anoti pane paakangobatirirawo kusvika awana rubatsiro.

“Muchinda iyeyu ndinomutora semunin’ina wangu saka ndine mufaro mukuru kuti akapona,” anodaro.

Kamusena akaita mukurumbira panguva iyo akashanda namushakabvu System Tazvida nechikwata cheChazezesa Challengers achiridza gitare, kushaura nziyo nekutamba.

Zvichitevera kufa kwaSystem, Kamusena akamboshanda nemunin’ina wemushakabvu uyu, Peter Tazvida, kusvika panguva yaakazoshayawo apo iye akazofunga kuvamba chikwata chake cheBoys dzeSena icho ari kutungamirira.

Share This:

Sponsored Links