NDAKARASA MUKANA: CHARLES MANYUCHI

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
NDAKARASA MUKANA: CHARLES MANYUCHI Charles Manyuchi

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva – Charles Manyuchi – anoti akarasa mukana mukuru mugore ra2017 apo akakundwa naQudratillo Abduqaxorov wekuUzbekistan, kuSingapore izvo zvakamuona achitorerwa bhande raaive naro reWorld Boxing Council Silver Tittle asi kudzoka kwaaita ane chishuwo chekurwa nedzimwe shangwiti dzepasi rose dzinosanganisira Floyd Mayweather (Jr).

Kukundwa kwakaitwa Manyuchi mumutambo uyu kwakamudzorera kumashure sezvo akange ave pedyo nekukwanisa kurwira mabhande makuru etsiva akadai seWBC Championship uye nekusangana nevatambi vane mukurumbira vakaita saAmir Khan wekuEngland, Manny Pacquiao wekuPhilippines naShawn Porter wekuAmerica. Muhurukuro neKwayedza, Manyuchi anoti iye zvino ave munzira kugadzirisa zvakakanganisika kumashure uye achiri nemukana wekudzokera zvakare pamusoro mumutambo uyu.

“Ndakarasa mukana paye pandakakundwa kuSingapore naAbduqaxorov nekuti dai ndakahwina mutambo uyu ndakange ndatosvika pedyo nekutosangana nanaPacquiao uye nedzimwe shasha dzetsiva dzepasi rose. Zvakaitika hazvo asi ndiri kuzvigadzirisa nekuti chishuvo changu kuti ndirwe naManny Pacquaiao, Amir Khan kana naFloyd Mayweather (Jr) chaiye nekuti ndinoti dai adzoka mutsiva nekuti ndiri kuda kumbosangana nayewo,” anodaro.

Manyuchi mwedzi yadarika akahwina mutambo wake weRestoration Fight naPablo Ezequiel Acosta wekuArgentina ndokuhwina mabhande maviri eUBC neGBU izvo zvakamusimudza. Parizvino ave kutarisira kusangana naNordine Orik wekuFrance mwedzi unotevera uye mutambo uyu anofanirwa kuuhwina kuti akwanise kudzokera padanho raaive kare.

Manyuchi anoti mutambo wake naAcosta kudai asina kuuhwina ndipo paibva paperera kutamba kwake tsiva sezvo wainge wakamukoshera mukudzoka kwake.

“Mutambo wangu naAcosta ndiwo wandisvitsa nhasi pandave iye zvino, dai ndakakundwa zvingadai zvakabva zvaperera ipapo asi ndakahwina saka mukana uchiripo uye ndiri kutarisira mutambo uri kutevera naOrik. Ndozviziva kuti ndikauhwina aihwa ndenge ndadzokera pandaive chaipo uye iye zvino ndiri kuvimbisa kuti zvakaitika kare hazvichadzokorodzeke.

“Ndave kumberi chaiko uye ndiri kubata basa sebasa nekuti ndiri kuhwina, handidi kukundwa zvakare,” anodaro.

Muchinda uyu anoti akavamba boka rake iro ari kudzidzisa vatambi vetsiva vari kusimukira rinonzi Charles Manyuchi Boxing Academy.

Vamwe vatambi vari muboka iri vacharwa mitambo yakasiyana apo shasha iyi ichatatsurana naOrik musi wa28 Gunyana kuHarare International Conference Centre.

Share This:

Sponsored Links