Uncategorized

‘Ndakarohwa mimba ikabva’

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wemuHarare akazopotera kudare redzimhosva achida gwaro redziviriro kubva kumurume wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita kumurova izvo zvakaita kuti azobve pamuviri nguva yadarika.Spiwe Kamanga akaudza mutongi Noah Gwatidzo wedare reHarare Civil Court kuti murume wake Wilson Chafugamoyo ane tsika yekumurova pose paanenge abva kushamwarikadzi yake.

Kamanga anoti Chafugamoyo haasi kuchengeta mhuri asi kuti anotora chikafu mumba achinopa shamwarikadzi yake uye vana haasi kuvabhadharira mari yechikoro.

Chifugamoyo anopikisana naKamanga achiti ndiye ari kumushungurudza uye akamudzinga paimba yebasa yaaigara mushure mekunge amuudza kuti anoda kuroora mudzimai wechipiri.

“Zvose izvi zvakatanga pandakamuudza kuti ndainge ndawana mudzimai wechipiri wandinoda kuroora. Ndipo paakabva andidzinga pamba yandakapihwa kubasa kuti ndigare,” anodaro Chafugamoyo.

Mutongi Gwatidzo anoti Chifugamoyo asashungurudze mudzimai wake ndokukurudzira Kamanga kuti aende kudare rinoona nezvemendenzi kana murume wake asiri kuchengeta vana vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey