Ndakarongeka: Muzhingi

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Ndakarongeka: Muzhingi Stephen Muzhinji

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemujaho wemarathon, Stephen Muzhinji, inoti igere zvakanakisa chaizvo panguva ino apo vamwe vari mune zvemitambo yakasiyana vari kuchema-chema zvikuru zvichitevera kukanganiswa kwaitwa raramo yavo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Pari zvino mitambo yakawanda yakambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19.

Muzhingi anozivikanwa zvikuru ari nyanzvi panyaya dzemarathon uye akasimudza mureza weZimbabwe kunyika dzakasiyana achihwinha mijaho inosanganisira Two Ocean’s Marathon neComrades Marathon kuSouth Africa.

Anoti mari yaakawana kumijaho iyi nemimwe yakasiyana akaishandisa kutangisa mabhizimusi uye kuenda kuchikoro kunoita zvidzidzo zveSports Science zvekuti ndizvo zviri kumuraramisa panguva ino apo mitambo mizhinji pasi rose yakambomiswa.

“Ini ndigere bho! Icho ndicho chokwadi. Mari dzandaihwina makore ese aye ndaisaipura kwete, asi ndaishandisa kutangisa mabhindauko akasiyana zvekuti iye zvino ndigere zvakanakisa chose uye mabhindauko aya ndiwo ave kundiraramisa.

“Handichangomirire zvekumhanya chete. Muhupenyu, munhu unofanirwa kuve une mabhasikiti akasiyana aunorarama nawo zvekuti rimwe rikasafamba zvakanaka unonokora mune rimwe bhasikiti,” anodaro Muzhingi.

Muchinda uyu anopa kurudziro kune vamwe vari mune zvemitambo kuti varongere remangwana ravo.

Anoti gore rino ngarive chidzidzo chikuru kunyangwe kune veruzhinji kuti zvakakosha kuve vakarongeka muhupenyu hwavo.

“Coronavirus yapa chidzidzo iyi, hapana aimbozvifungira kuti zvichadai. Saka nekudaro ngachive chidzidzo kune vamwe vangu vari mune zvemitambo neveruzhinji kuti ngatigadzirire remangwana redu.

“Kunakidzwa nekudya mari hakubatsire chinhu asi kuti kunokupinza muna taisireva mangwana. Ngatigadzirire remangwana redu. Ini iye zvino ndigere zvangu zvakanakisa uye hupenyu huri kundifambira zvakanakisa chaizvo nekuti ndakagona kurongeka muhupenyu hwangu,” anodaro Muzhinji.

Vana vake vaviri vanoti mukuru Mathane (10) anoita zvekumhanya marathon kozoti muchidiki wacho anoita zvekarate.

Anoti anogara achitaura nevana vake achivakurudzira kuti kana zvave kuvafambira muhupenyu hwavo mumitambo yakasiyana vachengetedze mari dzavo dzavanenge vachihwina vagodzishandisa nemazvo.

“Kana kuvana vangu, nguva yandinowana navo ndivovakurudzira chaizvo kuti vazoshandisa mari dzavo nemazvo. Ndofunga vari kuzvionera iye zvino kuti hupenyu hwangu hwakarongeka sei, saka ndizvo ndinoda kuti hwavo huzorongekawo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey