Uncategorized

‘Ndakasiirwa nyoka senhaka’ . . . Ndiyo inoyamwa varoora . . . Apa n’anga yacho yakafa

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
‘Ndakasiirwa nyoka senhaka’ . . . Ndiyo inoyamwa varoora . . . Apa n’anga yacho yakafa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE yekuMasvingo ine makore 70 ekuberekwa iri kudunura ichiti yaoneswa nhamo nenyoka nezvidhoma izvo yakasiirwa nemurume wayo mushakabvu uyo aiva n’anga.

Zvidhoma nenyoka izvi zvinonzi zvakabva pamushonga wakapanduka uyo wainge wakapihwa murume wechembere iyi neimwewo n’anga.

Nyoka iyi inonziwo inoyamwa varoora vemumusha zvekuti vamwe vakatotiza varume vavo.

Apa n’anga yakavapa mushonga uyu inonzi yakafa zvekuti mhuri iyi haichaziva kwekuenda kunobatsirwa.

Mbuya vatichangodoma nezita ravo rekutanga Joice vari kukumbirisisa kuti zita ravo risaburitswe zvose neevana vavo.

Mbuya Joyce

Svondo rapera chembere iyi yakapotera kuKwayedza pamwe chete nekuchirongwa cheTilder Live icho chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM, ichiti inoda kubatsirwa kubvisirwa zvinhu zviri kuishungurudza izvi.

“Ndauya kuno kuzotsvaga vanondibatsira, ndine chidhoma nenyoka hombe izvo ndakasiirwa nemurume wangu aiva n’anga.

“Murume wangu akauya nemishonga iyo akanditi yaiva yekusimbisa musha, inonzi ndiyo yakazopanduka kuita zvidhoma nenyoka izvi. Apo murume wangu aishanda kuHarare, kune n’anga yakauyawo ikaisa mimwe mishonga yekusimbisa musha tiine muzukuru wemurume wangu.

“Muzukuru uyu akabatiswa mushonga uyu uri muchizenga (chimedu chehari yakapunzika) uyo wakazobvira moto tave kupedza kutenderera nemusha. Zvino ndatambudzwa nezvinhu izvi, ndoda kubatsirwa nemhuri yangu tose nevazukuru,” vanodaro Mbuya Joice.

Vanoti mhuri yavo inogara ichirohwa nezvidhoma nekupinda mumatambudziko akasiyana, vamwe vachirasika njere.

Mbuya Joice vanoti senyaya ine kubatabata, vana vavo vatanhatu – mukati mevanomwe avo vavakabereka, mumwe ndokufa – kana vakangogumbuka, vana ava vanoita minyama yakaita sekubirwa nekurohwa nevanhu zvisina shumo.

Chiri kunetsa padambudziko rine chembere iyi ndechekuti imwe n’anga yakambouya ichisimbisawo musha wavo yakafa zvose nemuzukuru wekuuya nayo mumusha mavo.

“Kwandinofamba ndichitsvaga kubatsirwa ndinonzi ndiri muroyi ndichinzi ndine zvidhoma nenyoka huru iri pamba pangu.” 

Dickson (45), mwanakomana mudiki waMbuya Joice, anotsinhira nyaya iyi achiti anombonzwa gonhi remumba maanorara richivhurwa nekuvharwa nemunhu asingaonekwe.

“Ndinonzwa ange munhu achikiinura dhoo husiku, opinda asi ndikavheneka hapana chandaiona. Kana kunze kwave kuedza, ndinozonzwa zvakare gonhi rovhurwa munhu uye obuda. Patinofamba zvinongonzi ndimai vedu ava,” anodaro Dickson.

Dickson

Anoti akaroora madzimai mana asi ndokurambana navo vose apo mukadzi wekutanga akatiza kuyamwiwa nezvinhu zvaaisaona.

Dickson anoti kwavanofamba vanoudzwa kuti nyoka nezvidhoma zvaamai vake ndizvo zvaiyamwa mudzimai wake uyu.

“Semhuri, tose tiri kuchema naamai vedu ava vanonzi vane chidhoma, zinyoka rinoyamwa nekunanzva vanhu,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa nemukoma wake Takesure achiti vashaya zvekuita nedambudziko rakatarisana navo iri.

“Imba yaamai vedu yakangotsva nemoto usina kuzivikanwa kuti wakabva kupi, zvose zvaingonongedzwa panyaya dzezvikwambo nenyoka. Vanhu vanorohwa nezvinhu zvinotaura kuti ndiamai vedu.

“Mumwe mukadzi wemunin’ina wangu akaenda kumuporofita akanobatwa nemweya wakataura kuti ndini vamwene vako, handiti unodya woga mari yemwana wangu,” anodaro.

Mumusha wemhuri iyi munonzi mune mwana anoti akadya zvipunu zviviri zvebota anobva aguta.

“Amai ava vaigara kumukuwasha uko kwakazotangawo kufiwa apo vakazobva vachiita zvekutiza nekuda kwenyaya iyi. Baba vedu vaiva n’anga, ndivo vakasiira amai zvinhu zvose zviri kutinetsa nhasi uno,” anodaro Takesure.

Takesure

Dambudziko remhuri iyi rinonzi rakatanga mugore ra2015.

Mumwe wevanakomana mumusha uyu anonzi akamboita bofu kwemwedzi wose apo anonzi akanga asanganidzana maziso nezinyoka pamusha apa.

“Nyoka iri mumusha wedu inonzi inobhururuka, inova yakamboonekwa nemunin’ina wedu achibva amboita bofu. Amai izvozvi havagone kunyatsofamba, vanotoshandisa madondoro izvo zvinonzi zvinokonzerwa nenyoka nechidhoma zvavainazvo,” anorondedzera Takesure.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumhuri iyi, nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti mhuri iyi inotoda kushandirwa iri pamwe chete.

“Zvinopera, asi vanoda kubatsirwa vari pamwe chete nekuti zvakasiiwa nevafi,” vanodaro.

Kuchitiwo Madzibaba Mateo Mupfumbati, vemuHarare, izvi zvinonetsa nekuti vanhu vakaisa mhiko idzi vose vakafa.

“Baba vemusha vakasiya nyoka nechidhoma vakafa, n’anga yakasimbisawo musha uyu yakafa uye muzukuru aitungamirira kuiswa kwemishonga iyi akafawo. Panotoda nyanzvi nekuti vanhu vakangomhanyirira kunobatsira vasina mweya yakakwana vangava maporofita kana n’anga tinozonzwa kuti mumwe afirako,” vanodaro.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare panhamba dzinoti 0719 455 964.

Share This:

Sponsored Links