‘Ndakasotwa nevandakabira . . .

19 Nov, 2020 - 17:11 0 Views
‘Ndakasotwa nevandakabira . . .

Kwayedza

Abel Zhakata
MBAVHA yechikadzi yekwaMutare — iyo yakabatwa nemhosva mudare yekupwanya dzimba ichipinda ichiba midziyo — inoti yakasangana nenhamo yekutakura mimba kwemwedzi gumi nemumwe isati yasununguka mushure mekushinhirirwa nemumwe munhu wayakabira.

Rosemary Sibanda (32) uyo anogara kuHobhouse, akamiswa mudare reMutare Magistrates Courts ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 14 mushure mekubatwa nemhosva yekupaza gonhi remba yaPrudence Takawira, ndokumubira midziyo yake.

Mwedzi gumi yepachirango ichi yakasendekwa padivi paine chitsidzo chekuti mukadzi uyu haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera uye mwedzi mina yakange yasara yakaiswa padivi ndokunzi anofanirwa kubhadhara mumhan’ari US$150.

Sibanda akabhadhariswa zvakare faindi ye$3 500 uye kukundikana kwake kuibvisa anozogara mujeri kwemazuva 30.

Sibanda — uyo aive akurirwa nepamuviri — akaba zvinhu mumba maTakawira zuva rakacheka nyika.
Zvichitevera kusungwa kwaSibanda, Takawira — uyo anoratidza kuti aiziva nezvehumbavha hwemudzimai uyu — akabva azivisa mapurisa aiferefeta nyaya iyi kuti musungwa imbavha yemakoko uye kuti aitadza kusununguka pamuviri paaive napo mushure mekunge ashinhirirwa nemushonga nekuda kwehumbavha.

Panguva iyi, Sibanda akarambisisa nyaya iyi.
Zvisinei, mudzimai uyu akazobuda pachena kuKwayedza mushure mekunge asununguka mwanasikana wake uyo airema 5.1 kg nemusi weChitatu chadarika.

“Pandakaburitswa kujeri kwandaive kuremand prison, vavakidzani vangu vakandiyambira kuti ndinofanirwa kunoona mumwe muporofita ari munharaunda medu. Muporofita uyu akandiudza kuti ndakashinhirirwa nemunhu wandakabira,” anodaro Sibanda.

Anoenderera mberi: “Muporofita uyu akandiudza kuti nditenge mvura ine chekuita nezvemweya (spiritual water) kuTsanzaguru, kwaRusape, ndokubva aita mhiko dzake. Ndakatevedzera zvandakaudzwa uye panguva iyoyo ndakabva ndatanga kunzwa marwadzo ekuda kusununguka.
“Patakasvika kuchipatara cheSakubva District Hospital, ndakabva ndazvara mwana pasina nguva.”

Sibanda anoti zvichitevera chiitiko ichi, icho chakaisa upenyu hwake nehwemwana aive mudumbu panjodzi, asiyana nekuba.

“Ndave munhu asanduka, handichabira munhu upi zvake. Fungai kurwadziwa kwandaiitwa apo ndakatakura mimba kwemwedzi yakadarikidza,” anodaro.

Sibanda anoti aiita mabasa ekuba zvichikonzeerwa nemweya yetsvina uye haana ruzivo rwekuti aipwanya sei magonhi edzimba dzevanhu kusvikira aba apo aive akurirwa nepamuviri.
Kweyedza haina kukwanisa kutaura nemurume waSibanda pamwe chete nemuporofita anonzi akamushandira sezvo pakashanyirwa kumba kwake ainge asiko.

Sibanda akaita mbiri pakabuda nyaya yake yekuba kwaakaita kumba kwaTakawira.
Akatanga nekunyepedzera kuita mabasa epamba anosanganisira kutsvaira pachivanze senzira yekunyengedza vavakidzani vaTakawira kuti vagofunga kuti aive mushandi wepamba apa.
Akazotora demo ndokutema gonhi repamba paTakawira kuti akwanise kupinda.
Akaba midziyo achibva atsakatika.

Kwapera mwedzi miviri, Takawira akanzwa kuti kune mukadzi aiba mudzimba dzevanhu achishandisa nzira imwe chete iyi.

Takawira akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa ndokuti vamuperekedze kumba kwaSibanda uko kwakawanikwa kuine zvinhu zvake zvaainge abirwa zvikaita kuti mukadzi uyu asungwe.
Demo raishandiswa naSibanda kupwanya magonhi edzimba dzevanhu rakawanikwa riri mubhegi rake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey