Ndakatamba chikweshe: Nyangela

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Ndakatamba chikweshe: Nyangela Maronga ‘Bomber’ Nyangela

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa munhabvu Maronga “Bomber” Ngangela anoti nhabvu yezvikweshe yakakosha chaizvo nekuti ndiko kwakabikwa tarenda rake kusvikira ave nemukurumbira.

Nyangela anoti kubikwa kwevatambi hakufanire kutangira kumaAcademy, asi kuti kuzvikweshe.

“Isu tichikura, nhandare dzaizara vanhu vachiuya kuzotiona tichitamba zvikweshe chaizvo.

“Zvaisimudzira chaizvo kune vechidiki kuti vari kuonekwa vachitamba zvichikweshe uye zvaivatuma kuramba vachishanda nesimba. Saka tinofanirwa kuzvikoshesa uye kutsvaga zvinosimudzira vechidiki kuti varambe vachishanda nesimba,” anodaro Nyangela.

Bomber mumwe wevatambi vaizunza mambure  munhorondo yenhabvu yemuno izvo zvaimuona achinwisa kanodarika ka20 mumwaka yakasiyana achitambira Black Rhinos FC.

Zita rekuti Bomber vanotaura vanoti rakabva pakuti Nyangela ainwisa bhora zvisina mukare akamboona izvo zvakamuona achinwisa ka30 mune mumwe mwaka kozoti pamwe akanwisa ka29 ndokuhinha mubairo weGolden Boot mugore ra1987 ari kuBlack Rhinos.

Makore ano hakuchina vatambi vakaita saBomber vanozunza mambure zvinonwisa mvura.

“Tichitarisa vatambi variko ava zvinosuwisa zvikuru. Mutambi akanwisa nhasi anombogara mitambo mina kana mishanu achitadza kunwisa zvakare uye mumutambo wacho anotoda mikana 10 chaiyo kuti anwise kamwe chete.

“Isu taiti tikapihwa mukana mumwe chete taibva tatoziva kuti igobhora iroro,” anodaro.

Asi anoti kana vatambi vechikwata vakatamba vakabatana zvinobatsira kuti vahwine.

“Ndinoona sekunge zvikwata hazvisi kutamba zvakabatana chete, asi zvikabatana mumwe nemumwe achiita basa rake raapindira munhandare zvinohwina chete.

“Nhabvu haisi yehumbimbindoga, vatambi vanofanirwa kutamba sechikwata chimwe vakabatana,” anodaro.

Bomber anoti zvakakosha kuti vatambi vashande nesimba kuitira kuti vagokwanisa kuenda kune maligi anobhadhara mari yakanaka.

“Nhabvu yave nemari zhinji pasi rese uye vatambi vemuno ndiyo yavave kungofunga chete.

“Mari ngaive muripo unopihwa kumutambi anenge ashanda nesimba kwete kuti vanotungamidza mari.

“Isu panguva yedu pataitamba nhabvu yaisabhadhara sezvayave kuita iye zvino. Asi, taive nerudo nemutambo uyu uye taifara chaizvo kana vatsigiri vakauya kuzotiona kunhandare tichitamba,” anodaro.

Kubva asendeka nhabvu, muchinda uyu ange ari kushanda kubika vatambi vechidiki vari kusimukira uye akamborairidza kuBlack Rhinos ari mutevedzeri waStanford ‘Stix’ Mutizwa.

Anoti iye pamwe nedzimwe shasha dzakambonetsa dzichitamba nhabvu vane basa rekusimudzira vechidiki.

“Kutaura kuno ndine vechidiki vandiri kubatsira vari kukura ndichivapa ruzivo rwenhabvu nemazano kuti vasimukire mumutambo uyu uye muhupenyu hwavo.

“Tinoona vazhinji vachiwira pasi pasina kwavasvika nekuda kwekuzvirova matundundu. Saka tiri kuedza semalegends kubatsira vana vedu, vasimuke mumutambo uyu. Mari nembiri zvinokuvadza, hunge zvikasashandiswa zvakanaka, vechidiki ngavazvizive,” anodaro.

Kunyangwe hake Bomber aizivikanwa ari shasha yekuzunza mambure panguva yake muchikwata cheBlack Rhinos, anoti chinhu chakange chakamukoshera mikombe yavaihwina sechikwata sezvavakaita mugore ra1984 apo vakahwina mikombe miviri.

“Ini chinhu chandaitungamidza pazvese kuhwina sechikwata, ndizvo zvainge zvakandikoshera chete. Kunyangwe tikasatamba zvinogutsa asi kubatana kwataive takaita ndiko kwaindikoshera chete. Hapasi pose pataihwina, dzimwe dzenguva zvairema tichirwa kuti tisaburitswe muligi.

“Ndizvo zvimwe ndinoda kudzidzisa kune vechidiki kuti nhabvu ngaive yechikwata uye ngavatungamidze chikwata pazvese vanenge vachiita,” anodaro Bomber.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>