‘Ndakatanga kuputa mbanje ndiri Grade 6’

09 Jun, 2022 - 18:06 0 Views
‘Ndakatanga kuputa mbanje ndiri Grade 6’ Tracy Maseko

Kwayedza

Abel Ndooka

MUDZIMAI ane makore 32 okuberekwa wekwaMutare ari kubuda pachena kuti akatanga kuputa mbanje aine makore 13 ekuzvarwa apo aiita Grade 6.

Tracy Maseko, uyo aiita basa rekutengesa muviri kwaMutare, anoti akakura achitora zvinodhaka zvakaita sembanje ganja cakes (makeke anobikwa nembanje) uye nemapiritsi anozivikanwa nekuti ma”DeMbare” izvo aipihwa nevamwe vevarairidzi vake.

“Ini upenyu hwangu ndaitora zvinodhaka zvakaita sembanje, ganja cakes nemamwe mapiritsi ainzi maDeMbare ataipihwa tichingonwa. Mbanje ndakatanga kuiputa ndiine makore 13 ekuberekwa ndichiita Grade 6 ndichiiunzirwa nevamwe varairidzi vangu pachikoro. Ndaisatogona kugara ndisina kutora zvinodhaka.

“Izvi zvakandikanganisira upenyu hwangu nekuti ndaingoita yese-yese kuti ndikwanise kuwana zvinodhaka ndikazopedzisira ndasvika pakupera muviri ndave kuita sekamunhu kekare-kare,” anodaro Maseko.

Anoti panguva yaaitora zvinodhaka iyi, akange ave kusangana nevarume vakasiyana uye asina kuzvidzivira izvo zvakazomboona achibatira zvirwere zvenjovhera.

“Munongoziva kana wakabatwa nezvinodhaka unopedzisira wave kuita yese-yese. Ndakapedzisira ndave kungosangana nevarume vese-vese, dzimwe dzenguva pasina dziviriro ndikabatwa nezvirwere zvakasiyana. Zvinodhaka izvi zvakandikanganisira zvakawanda muupenyu hwangu,” anodaro.

Maseko anoti akazokwanisa kushandura upenyu hwake apo akazobatsirwa nevesangano reCentre for Sexual Health and HIV and AIDS Research Zimbabwe (CeSHHAR) avo vakamudzidzisa kuti ararame upenyu hwakanaka.

Nhasi uno mudzimai uyu ava kudzidzisa vamwe kuipa kwekutora zvinodhaka ari peer educator uye micro-planner achidzidzisa vamwe vanhukadzi vanoita basa rekutengesa muviri kuti vazvidzivirire pabonde pamwe nekutora mishonga yavo yemaAntiretroviral drugs (ARV) nenguva.

“Mwari vakazondinzwira nyasha pandakatanga kuita zvepeer educator kuCeSHHAR kusvika ndave micro-planner ndichibatsirwa nanatete vedu vekuCeSHHAR kuForbes kuno kwaMutare. Iye zvino ndave kutobatsira vamwe ndichivakurudzira kuti vasiyane nezvinodhaka izvi nekuti hapana kwazvinovasvitsa sezvo zvichingovapinza muna taisireva.

“Zvinodhaka hazvina dhiri, ndinokurudzira veruzhinji kuti siyanai nazvo,” anodaro Maseko.

Share This:

Sponsored Links