Ndakatanga nepairesi: Captain Dunga

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views
Ndakatanga nepairesi: Captain Dunga Captain Dunga

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo wePasada, Gift Shoniwa – uyo anozivikanwa saCaptain Dunga – anoti akatanga achiita zvepairesi apo aitengesa mhanzi yevamwe vaimbi pamusika wemukoto.

Captain Dunga vazhinji vanomuziva nekambo kanonzi “Mai vevana” uye ndiye mumwe wevashoma vari kutsikisa musambo uyu muZimbabwe. Anoti asati atanga zvekuimba, aifamba mumugwagwa achitengesa mhanzi yevamwe vaimbi achitsvaga pundutso muhupenyu hwake.

Captain Dunga anoti nekufamba kwenguva akazosangana namaneja wake – Andrew Kunaka –  uyo akamubatsira kutsikisa dambarefu rake rekutanga.

“Muhupenyu munhu unosangana nezvakawanda uye ini ndiri mucherechedzo wacho nekuti ndakasangana nezvakawanda chaizvo zvimwe zvinosiririsa zvikuru asi mhanzi ndiyo yakandibatsira kusimuka kuti ndive zvandiri izvi.

“Mukufamba kwandaiita ndichitengesa mhanzi yevamwe vaimbi, ndipo ndakasangana namaneja wangu – VaAndrew Kunaka – avo vakandikurudzira kuti nditange kutsikisa mhanzi yangu sezvo ndaingofamba ndichiimba saka vakanzwa inzwi rangu kuti ndine chipo chekuimba,” anodaro Captain Dunga.

Zvisinei, anoti pairesi yakaipa sezvo ichirozva mabasa evaimbi uye iye paaitengesa mhanzi yevamwe pamusika wemukoto aiizviita nekusaziva. Zvakadai, muchinda uyu anoti mhanzi inofanira kuve nechainodzidzisa kune veruzhinji.

“Sevaimbi tiri mifananidzo kwese kwatinofamba saka zvatinoimba ngazviye zvinovaka kwete kungoimba zvekunzi ndaimba pasina zvazvinoreva uye kubatsira kune veruzhinji. Ipapo vaimbi ngatipabatisisei. Ini mhanzi yandinotsikisa inotaura hupenyu hwangu uye ndinenge ndichiedza kubatsira vamwe kuti vasazosangana nezvandakasangana nazvo,” anodaro Captain Dunga.

Muimbi uyu anotsigirwa nechikwata cheGiveto Sounds. Dambarefu rake rine nziyo sere uye anoti ari mushishi kutsikisa DVD racho pamwe nedambarefu rechipiri.

“Ndaifunga kuti zvemhanzi izvi ndezvanaJah Prayzah chete kana anaSuluman Chimbetu asi ndakazviona kuti ukashanda nesimba hapana chinoramba, zvese zvinobudirira chete.

“Iye zvino ndave kugara ndiri mustudio ndichingotsikisa mhanzi nekuti mukufamba mandinoita umu ndichitengesa mhanzi yangu ndinosangana nezvakawanda. Kuridziro yandinenge ndichipihwa nevanhu inofadza chaizvo uye inosimudzira saka ndiri kugara ndichishanda nesimba,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links