Ndamba kuudzwa . . .

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views

Kwayedza

HAKUNA munhu pasi pano anoziva zvose, angava akadzidza zvakadini, kana mukuru-mukuru zvakadini. Angava nemari yakawanda sei, munhu wose anoda kubatsirwa nemazano anobva kune vamwe, vaanotungamira, vanomutungamira, kana vaakaenzana navo pachigaro chaainacho muupenyu.

Asi nedzimwe dzenguva kana njere dzikawandisa, simba rikawandisa, kana mari ikawandisa, munhu anozviita kunge ndiye akasika denga nepasi achizvitutumadza. Anoita semunhu asina kuzvarwa nemunhukadzi sezvakaita vanhu vose. Ipapa ndipo panotanga kuzvikudza, kusaterera zvaakadzidziswa nevabereki, zvaakadzidziswa kukatekezimu, kana kumatare aakasangana nawo mukukura kwake. Zvose zvinenge zvava zvenhando, zvemarema, vasina kudzidza, mari kana simba. Kana zvadai, ndimi dzevakuru ndipo padzinoshanda kuti zano ndoga akasiya jira mumasese.

Izvi zvinoreva kuti hakuna zano richabatsira munhu uyu kunze kwerake chete. Zvino ukasaterera vamwe vanokubatsira mufambiro usina njodzi unodhumira pamudhuri nehuma, humayo ikatutumira senyanga yechipembere. Pedzezvo wave kupa vamwe mhosva yekuti hauna kuziviswa nezvemudhuri wawadhumira.

Zvino mbonje inobuda pakudhumira inoratidza hunhu hwako iwe sabhuku. Vanokuona nembonje yako vanoti ndiwo mubairo wekusaterera vamwe uchizviterera iwe pachako.

Mbonje idzi dzinouya nepakawanda. Dzimwe dzinoonekwa pahunhu hwako, nokuti unenge wabviswa chimiro, uye dzimwe dzinouya nekurasikirwa nemari yemusha, kambani kana dunhu rako.

Asiwo imwe mbonje inoonekwa negoho raunowana pakupera kwemwaka mumunda mako matadza kuburitsa chekudya chinogutsa mhuri yako, kambani yako, kana dunhu rako.

Mbonje inowanikwawo kuvadiki kana vatungamirwi. Ukanzi izvi hazviitwe pamusha, pakambani kana mudunhu, iwe unoti ndosaka vakuru imi makasaririra, musina pfuma, mota, kana imba seyangana. Zvino munhu wose angaite imba seyanhingi here?

Chikuru muupenyu ndechekuti wawanawo zvinokukwanira nemhuri yako here, kwete kufananidza nguwo dzako nedzaTarubva. Ndiani akati kana uchigara imba yakakundwa kukura kana kunaka neyemumwe hauchagonawo kurota hope dzinonaka? Zvichida uyo ane zvikuru ndiye anorota achitandaniswa nemabhinya nguva zhinji zvekuti kumba kwake hakugarike.

CHENJEDZO:

Iwe samusha, sabhuku, muzvinafundo, muzvinabhizimisi newe mupwere, bvuma kurairwa nevamwe. Vamwe vanoshaya vanovaraira, asi zvishoma zvavanowana paya panorairwa vana vamambo, vanobva vabatisisawo. Hazvizoshamisa kuti vaya vanopambara ruzivo nokuti kwavo hakuna matare, vanobudirira, asi ndamba kuudzwa vanozongoonekwa nembonje pahuma nokuti vanodherera kwabva zano iro rinopundutsa vamwe.

Dare rino rinoda kuti mumwe nemumwe paari ipapo azvinzvere nekuona mbonje yaakambowana paakatadza kuterera rairo yaakapihwa nevamwe. Dare rino rinokuyeuchidzazve kuti ukayeverwa munguva inotevera, uchawana dzimwe mbonje vanhu vakashaya pekutarisa.

Nokudaro chibatisisa chirevo chakakosha ichi uchengetedze huma yako nokuti ndiyo inotanga kuonekwa neruzhinji rwevanhu usati wavapa tsananguro yekuti ronda riri pahuma yako rakabvepi.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links