Ndamirira: Chigova

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Ndamirira: Chigova George Chigova

Kwayedza

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi wechikwata chenyika chemaWarriors nePolokwane City yekuSouth Africa, George Chigova, anoti amirira zvikuru kudzoka kwenhabvu sezvo zviri kumuremera kugara asingatambe mutambo uyu.

KuSouth Africa, kufanana nedzimwe nyika pasi rose, mitambo yakasiyana inosanganisira nhabvu yakambomiswa senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kubvira mwedzi ichangodarika, nhabvu yave kuita ichidzoka kunyika dzakasiyana dziri kuEurope asi ichitambwa munhandare dzisina vatsigiri.

KuSouth Africa kune vatambi vazhinji vemuno vanosanganisira Chigova, Khama Billiat, Willard Katsande, Kudakwashe Mahachi, Elvis Chipezese naDanny Phiri.

Masangano anoona nezvenhabvu kunyika iyi nehurumende yeko vari pakati pehurukuro yekuti mutambo uyu uchidzoka munguva pfupi iri kutevera.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Chigova anoti zvinofadza kuti ave kudzoka kuzotamba nhabvu uye ari kutarisira kuti nechikwata chake chigopedza mwaka wegore rino chiri pakanaka.

“Zvinofadza kuti tadzoka tave kuita gadziriro dzedu pamwechete sechikwata uye tiri kutarisira kuti tipedzise mwaka wegore rino zvakanaka,” anodaro.

Anoti zvaive zvakakosha kuti nhabvu imbomiswa senzira yekudzivirira kupararira kweutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19.

“Zvamunoziva nhabvu ndiyo hupenyu hwedu hwatinorarama mazuva ese saka zvairwadza zvikuru kuti tigare tisina mutambo uyu watinodisisa.

Asi, zvange zvakakosha kuti mutambo uyu umbomiswa sezvo hupenyu hwevanhu hwakakosha kudarika mitambo iyi.

“Hupenyu ngahuuye pamberi zvimwe zvese zvozotevera,” anodaro Chigova.

Shasha iyi kubva payakabva kuDynamos mugore ra2014, yave nemakore matanhatu ichitambira kuSouth Africa kuzvikwata zvakasiyana.

Chigova anoti ari kutarisira kuti mikana ikauya anodawo kumboenda kunotambira nhabvu yake ku Europe.

“Chishuwo changu kuti ndigotambirawo kuEurope uye makore achiri akanaka saka ndiri kushanda nesimba kuti tarenda rangu rigoonekwawo.

“Mwaka uno ndikatamba zvakanaka uye patichatanga kurwira kuenda kuAfcon 2022 ndinofunga kuti zvichashanda mukundibatsira kuwana mukana wekunotambira kuEurope,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links