Ndamirira: Manyuchi

31 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Ndamirira: Manyuchi Charles Manyuchi

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva, Charles manyuchi, anoti ari kugadzirira kusangana naMuhamad Sebyala wekuUganda munaNyamavhuvhu apo vacharwira bhande reWorld Boxing Federation uye reWorld Africa Boxing Association Supreme Middleweight.

Vaviri ava vaifanirwa kusangana munaChivabvu asi mutambo wavo wakakanzurwa senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Manyuchi anoti chikwata chake chakakumbira kuHurumende kuti mutambo uyu uitwe ndokutenderwa saka chasara ndechekuti Sebyala atenderwe nenyika yake kuti auye kuZimbabwe kuzosangana naye.

“Takapihwa mvumo yekuti mutambo wedu uenderere mberi saka tamirira kunzwa kunyika yaSebyala kuti vanomutendera here kuuya kuno, kana akanzi auye anosvika otombotanga agara mu’quarantine’ kwemasvondo maviri ari muno,” anodaro.

Mutambo wevaviri ava ukabudirira unogona kutambwa munhandare isina vatsigiri sezvo mutemo usiri kutendera kuungana kwevanhu pari zvino.

“Zvevatsigiri pari zvino hazvina basa, chinongodiwa chete kuti iye Sebyala auye topedzerana tiri vaviri. Ndiye wandiri kuda uye pakati pedu tinofanira kurakidzana mukuru.

“Ini ndinenge ndiri munyika yangu uye handifanire kushoresa nyika saka ndiri kushanda nesimba kuti ndimubike zvakasimba,” anodaro Manyuchi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey