Ndapona, handicharwara: Kapfupi

27 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
Ndapona, handicharwara: Kapfupi Fred "Kapfupi" Manjalima

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI anove zvakare shasha yemitambo yemadhirama – Freddy “Kapfupi” Manjalima – uyo svondo rapera aiiti airwara nemudumbu, anoti ave kunzwa zvakanaka.

Svondo rapera Kapfupi akaudza Kwayedza kuti ainetsekana nemudumbu nekuda kwema”acids” ayo aanoti anomutambudza nguva nenguva zvikaita kuti apedzisire aenda kuchipatara.

“Ndanga ndarwara ini mufunge nekuda kwema’acids’ anogara achindinetsa kazhinji. Pamakataura (kureva munyori uno) neni paye ndaiva kuchipatara ndichitwasanurwa mbabvu dzemudumbu netsinga dzacho muchiongororwa kuti chii. Vanogona vamwe vedu varapi ava, zvakapera zvekuti ndava mushe.

“Ndakatwasanurwa mbabvu mudumbu mukaongororwa, zvave kuita kana kutoshaura ndave kukwanisa zvekuti munotamba mukatorasa mabhachi,” anodaro Kapfupi.

Anoti dambudziko remudumbu iri akakura ainaro.

“Denda iri ndakakura ndiinaro kubva kare. Hongu, pano neapo tinogonawo kunwa doro sevarume asi handizvo, kana kumhanya chaiko tinopedzerana munhandare. Ndave ‘fit’ manje,” anodaro Kapfupi.

Share This:

Sponsored Links