NDAROHWA NENHAMO: SHAYA

01 May, 2020 - 00:05 0 Views
NDAROHWA NENHAMO: SHAYA George Shaya nemudzimai wake

Kwayedza

Kingstone Mapupu
GEORGE Shaya – murume wekunetsa nehunyanzvi hwake hwekutamba nhabvu muno – anoti kugara kwevanhu kudzimba nekuda kwedenda reCovid-19 kwapinza nzara mbishi mumba make.

Achitaura ari kumba kwake kuGlen Norah, muHarare, Shaya (76) anoti Covid-19 yashungurudza vanhu vakawandisa muno nepasi rose.

Shaya, uyo akaita mukurumbira achitambira chikwata cheDynamos nechenyika, anoti kunyange danho rekuti vanhu vagare mudzimba rakanaka zvikuru pakudzivirira kutapurirana nekupararira kweCovid-19, izvi zvapinza nzara mumhuri dzakawanda kusanganisa nekwake.

“Ini nemhuri yangu hatina zvekudya pano nekuti tinosirarama nebhindauko rekutengesa rinoitwa navadzimai vangu. Zvino takangogara mumba nenzara yedu takatarisana,” anodaro Shaya.

Shaya akadamburwa rimwe gumbo rake nekuda kwekurwara izvo zvava kuita kuti angogara pamba pasina chaanoita.

Gogo Agnes Shaya (70) – mudzimai waMastermind sekuzivikanwa kwaiitwa Shaya – vanoti zvinhu zvavaomera sezvo vasisakwanise  kutengesa vachiriritira mhuri. “Baba vanorwara, sezvamunoziva vakadamburwa gumbo. Ini ndinohodha hove ndichitengesa nezvimwe asi izvozvi hapana chiri kufamba saka nzara yapfunya chisero mumba medu,” vanodaro Gogo Shaya.

Zvichakadai, mhuri yaShaya yakabatsirwa nezvekudya zvakasiyana nemumwe murume wemuHarare uyo akasiririswa nemamiriro ezvinhu pamba apa.

Share This:

Sponsored Links