Uncategorized

‘Ndarwadziwa nekurambwa’

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUSIKANA anogara kuMandara, muHarare, ari kuchema-chema achiti aimbova mukomana wake ane katsika kekutumira vanhu mifananidzo yake asina kupfeka.

Daphine Makona akamhan’arira Tonderai Chigundani kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekumurova.

“Mukomana uyu anotumira vanhu mifananidzo yangu yataimbotumirana tichiri kudanana ndisina kupfeka izvo zvinondibvisa chimiro kuvanhu sezvo achinyanyotumira vemuraini mandinogara neshamwari dzangu. Handichina mufaro nekuti zvinondishaisa hunhu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinokumbira gwaro rerunyararo uye ngaamire kundishungurudza. Anondirova kana tikasangana kana kuti akauya kwandinogara achindityisidzira. Ndinofunga kuti haasi kugamuchira kuti handichada nezvake. Ngaamiswezve kunditumira mameseji achindituka nekuti ndaneta, handichina mufaro.”

Chigundani anoudza dare kuti haapokane nechikumbiro chaMakona asi akarwadziwa nekurambwa kwaakaitwa.

“Handipokani nazvo. Ndakarwadziwa nekundiramba kwaakaita asi ndinovimbisa kuregera zvose zvaati ndisaite,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Makona gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey