Uncategorized

‘ndasanganisa varume 200’

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘ndasanganisa varume 200’ Miriam

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKADZI ane makore 42 okuberekwa uyo anoita basa rekutengesa muviri wake kuvarume – chipfambi – kuChirundu, anoti kubvira paakatanga kuita izvi makore 22 adarika, ashereketa “nemhene” dzake dzinodarika 200 uye haasi kumira.

Miriam – uyo anokumbirisa kusaburitswa nezita rake rizere kuitira kuti “musandibhururutsire mhene dzangu” – anoti pamakore ose aya ari pabasa, abatwa nezvirwere zvepabonde zvakawanda asi achirapwa pakiriniki yeChirundu South Wellness Centre, utano hwake huchidzokera pekare.

“Sesu vamwe, kiriniki iyi yatibatsira zvikuru nekuti sevanhu vanoshereketa nevarume vakasiyana, vamwe vachitishandisira chisimba nekuramba dziviriro yemakondomu, tiri panyatwa yekutapurirwa HIV nezvimwe zvirwere.

“Seni hangu, ndinogarobatwa nezvirwere zvepabonde ndichirapwa ipapa. Ndava nemakore anodarika 22 ndichiita basa rekutengesa muviri wangu uye kusvika pari zvino, ndashinha nevarume vanozadza mabhazi matatu nekuraudza – 200 vanodarika, vamwe ndichishandisa dziviro asi vamwe pasina,” anodaro Miriam asina kana nyadzi.

Anoti kuburikidza nebasa rekutengesa muviri wake, akwanisa kuvakira vana vake vaviri imba pamwe nekuvapinza chikoro kusvika kudanho repamusoro redzidzo.

“Hongu ndichiri kutengesa muviri kuti ndiwane mari, asi handichazviita sakare nekuti ndakura uye ndine mamwe mabasa emawoko andiri kuita sekutengesa mvura nekusona.

“Ndava kungotiwo apo neapo uye ndine vamwe varume makasitoma angu vemahara, totoita sevanhu vari muwanano sezvo tazivana kwenguva refu,” anodaro.

Miriam anoti kushandiswa kwemakondomu echidzimai kuchiri kushoma muvanhu vanoita basa serake zvichitevera kusafarirwa kwaanoitwa nevarume.

“Tinoapihwa pakiriniki asi tozoonawo kuti murume anenge apfekawo rake. Vamwe varume vanotoriramba. Saka isu sevanhu vanenge vachida mari, tinogumisira taita zvavanoda, asi tochajawo mari yepamusoro.

“Kazhinji tinochaja $15 kana $20 kune vanoda zvisina dziviriro, tozoti $5 kune vanoda.”

Miriam anoenderera mberi: “Mararamiro edu akaoma zvekuti ini hangu ndava pedyo nekusiya basa ndinozorora –  kutoendawo pamudyandigere. Ndava kuda kuita zvimwe zvinondipa mari refu ndichishandisa mawoko angu.

“Kutaura kudai vana vangu nevehukama havatozivi kuti ndiro basa randinoita kuno nekuti ndakangooneka ndichiti ndiri kuenda kubasa uye mari ndinovatumira. Pano pabodha ndinotombosangana nevamwe vanhu vekumusha kwangu asi ndinovatiza ndohwanda nekuti handidi kuti vazive kuti ndiro basa randinoita. Ndinozosekwa kana kusarudzwa munharaunda.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey