Ndasungunutsa madzimai 1 000

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Ndasungunutsa madzimai 1 000 Mbuya Mebo Takaruza vachitaridza gwaro ravanonyora mazita evana vose vanenge vasunungukwa

Kwayedza

Daphne Machiri
MUDZIMAI wekwaZvimba — uyo anove muporofita uye achiita basa rekusunungutsa vanenge vaine pamuviri — anoti asunungutsa vanhukadzi vanodarika 1 000 kubvira paakatanga kuita basa iri mugore ra1968.

Mbuya Mebo Takaruza (72) vemubhuku raChagadama, kwaMambo Chirau – avo vanopinda chechi yeJohanne Marange – vanoti mubasa ravo havashandise mishonga, asi kuti mvura neminamato bedzi.

“Tichitevedza mitemo yechechi, hatitenderwe kuenda kuzvipatara kana kumakiriniki nekuti ukatoenda wapesana nemitemo yechechi. Naizvozvo ini ndinosungutsa madzimai, uye ndinooneswa zvirwere pamweya.

“Zvekuti kana pakaita dambudziko kumudzimai akazvitakura, ndinobvunzira kunaMwari kuti chii chingaitwe. Kana Mwari vakandiratidza sekuti mai varwara mwana ari mudumbu ndinoita munamato wekupatsanura vaviri ava, mwana orarama kana ndichinge ndapihwa pikicha pamweya kuti mai havararame. Kana pamweya ndikaratidzwawo kuti mwana haararame, ndinoitawo munamato wekuti mai vararame,” vanodaro Mbuya Takaruza.

Vanoti vane dzimba dzinoshandiswa nevanhukadzi vanenge vakamirira kusunungutswa uko kunozivikanwa nekuti kuchitsidzo muchechi yavo.

“Ndine dzimba pamba pangu idzo dzinoshandiswa nemadzimai vakamirira kuti vabatsirwe nekuda kwekuti vamwe vanobva kunzvimbo dziri kure sekwaMurehwa, Chinhoyi kana kuBindura. Vamwe vanotouya nevarume vavo vachigarira pano kusvika vabatsirwa.”

Mbuya Takaruza vanoti vane gwaro ravanonyora mazita evana vose vavanenge vabatsira kuti vazvarwa kuitira kuti vazokwanisa kuwana magwaro ekuzvarwa kwavo.

“Mwana wose asunungukwa ndinonyora mubhuku kuitira kuti agokwanisa kuzonotoreswa chitupa chekuzvarwa. Pamwedzi ndinosungutsa madzimai anosvika gumi uye kusvika pari zvino ndasunungutsa madzimai anodarika 1 000 kubvira ndichitanga basa iri mugore ra1968.

“Ini handibhadharise nekuda kwekuti ndakaita kudanwa pamweya kuti ndibatsire ruzhinji. Asi kana pane vanoda kutendawo havo, kunenge kuri kuda kwavo,” vanodaro Mbuya Takaruza.

Vanoti vakaita makore matatu vachidzidzira kuve muporofita nehunyamukuta.

“Kuchechi kwedu tinoenda kuzvidzidzo pamwe nekuvhenekwa nevakuru vechechi vane masimba ehuporofita kuona kuti unokwanisa here kuita muporofita. Ini ndakavhenekwa pamwe nekuita bvunzo kwemakore matatu. Zvimwe zvacho taienda kugomo kwevhiki rimwe kana mwedzi tirimo tichidzidziswa nekuvhenekwa nemweya,” vanodaro Mbuya Takaruza.

Muhurukuro naMai Elizabeth Manyanga, avo vainge vakamirira kusunungutswa naMbuya Takaruza, vanoti vana vavo vose vari vashanu vakabatsirwa naMbuya Takaruza.

“Ndine vana vashanu, wekutanga mumwe chete achiteverwa nemapatya andakabatsirwa pano nevamwe vaviri zvakare. Iye zvino ndave kuda kusunungutswa zvakare navo.

“Handina kana dambudziko randakamboita kubva ndichiuya pano, vana vangu vose zvigwindiri. Pano ndipo pachipatara chedu, ini ndinogara kwaMurehwa asi ndinotouya kuno kwaZvimba kwambuya kana ndoda kubatsirwa,” vanodaro Mai Manyanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey