Uncategorized

‘Ndatonhorwa’ – Chikwambo

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘Ndatonhorwa’ – Chikwambo Motokari inonzi ine chikwambo chinotaura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAYA yechinhu chinonzi chikwambo icho chiri muimwe motokari iri pane rimwe garaji riri kuBudiriro, muHarare — iyo iri kugadzirwa mushure mekuita tsaona kwaGutu — yave nepamwe sezvo chidhoma ichi chichinzi chava kuti chanzwa nekutonhorwa nechando.

Chinhu ichi chakamoneredzwa nejira dzvuku, chiine musoro unenge zai rehuku uye chakabairirwa tsono nenyanga nezvimwe zvinhu zvinotyisa.

Vanamakanika vanga vachida kugadzira motokari iyi vanoti svondo rapera chinhu ichi chakataura kuti, “Chando-o chando-o”.

Chinhu ichi chiri mukati memota nechepasi pechigaro chemutyairi uye chinonzi apo neapo chinofamba-famba chichitevedza nzvimbo dzinopinda nemushana mumota iyi chichifema nekushita sezvinoita nyoka.

Kwayedza payakashanyira garaji reBudiriro 4 Car Breakers svondo rino yakawana vanhu vakaungana pamotokari iyi (yave nemwedzi inodarika mishanu isati yagadzirwa) vachida kuzvionera nekuzvinzwira mashiripiti aya.

Chinhu chinonzi chikwambo ichi chainzwikwa chichishita kunge nyoka pamwe nekuita kanenge kakukosora kemunhu ava hariyofanzirofa.

“Zuva nezuva mumwe wandinoshanda naye anonzi Utolezve Zvinavashe anotozora fodya yebute, ofugama pamotokari apa oti, ‘Pamusoroi vamota, tauyawo kuzoshanda pano’ kana kuti ‘Mamuka sei vamota?’.

“Kana ava manheru oti, ‘Manherui’ nekuti kana tikasadaro pano hapashandike, chinenge chichingodaidzira nekuita ruzha. Izvozvi chava nemazuva chichitaura kuti, ‘Chando-o, chando-o’ saka hatichaziva kuti toita sei.

“Apa huwandu hwemakasitoma anouya pano hwatoderera nekuti vanhu vava kufunga kuti chikwambo ichi ndechedu kana kufungira kuti pamwe tingavatengesera mapatsi anobva pamota iyoyi. Tinongoti muridzi wemota ngaauye aitore uye kana achida mari yake yaakatipa sedeposit (RTGS $1 300) takazvipira kumudzorera nekuti tinoda kushanda takasununguka,” anodaro Ronnie Katsiru (42) uyo anoshanda pagaraji iri.

Chinhu chinonzi chikwambo chinotaura

Motokari iyi ndeyerudzi rweNissan Presage.

“Taimboti tikadira sauti yemagodo chonyarara nekumira kufamba-famba. Asi mazuva ano chinhu ichi chava kuita katsika kekunanzva sauti yacho kusvika yapera, apa nemadhuriro ayava kuita tava kutobuda mari.

“Takamboenda kumapurisa emuno tikavaudza nezvenyaya iyi vakangoti mirirai muridzi auye atore mota yake. Chatiri kutyira ndechekuti pane zvinogona kuitika pamota iyi iri mumaoko edu tozorasirirwa mhosva sezvo yava nemwedzi yakawanda iri pano,” anodaro Ronnie.

Anoti Kwayedza payakamboshanyira nzvimbo iyi mumwedzi waChivabvu gore rino ichitapa nhau nekutora mifananidzo, chinhu ichi chakasara chikajitika kubuda mumota iyi chikataura nezwi gobvu chichiti, “Ha-a, mazondinyanyira manje”.

Mashoko aya anotsinhirwa Utolezve Zvinavashe uyo anoshanda naKatsiru.

Motokari iyi inonzi yakabviwa nayo kwaGutu, kuMasvingo, ichinzi yainge yaita tsaona nemuridzi wayo uyo anonzi aiti akaona mombe dzizere mumugwagwa asi ipo painge pasina.

Payaiuiwa nayo kugaraji iri, inonzi yakaita tsaona katatu apo yaidhonzwa.

Chiri kunzi chikwambo ichi chinonzi chaimbotaura mashoko ekuti, “Muri kudei pano?”, “Ndisiyei, musandibate”, “Uri kudei pano iwe?” nekuti “Musandigadzire”.

Kwayedza payakagumisira kutaura neanozviti ndiye muridzi wemotokari iyi aiti akambofambawo kun’anga nhatu achiedza kugadzirisa nyaya iyi asi zvakaramba.

Share This:

Sponsored Links