‘Ndava kurwara, ndakanokorwa tsoka nemuvakidzani’

31 May, 2023 - 19:05 0 Views
‘Ndava kurwara, ndakanokorwa tsoka nemuvakidzani’ Mai Chivore

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuWaterfalls, muguta reHarare, anoti ava kurarama azere nekutya zvichitevera kunokorwa tsoka kwaanoti akaitwa nemumwe mukadzi anove muvakidzani wake izvo zvakonzera kuti agare achingotevera zvisina magumo.

Mai Renisiya Chivore (48) – avo kumusha vanobva kwaMambo Matsveru, kwaChivi, kuMasvingo – vanoti masvondo matatu adarika vakamuka mangwanani nenguva dzekuma6 ndokuenda kuchimbuzi.

Vanoti vari muchimbuzi, vakazoona muvakidzani wavo achinyahwaira, ndokunokora ivhu repavakatsika iro akaenda naro.

“Ndakamuka mangwanani ndokuenda muchimbuzi. Ndirimo, ndakazonzwa munhu kufamba ndokudongorera nepahwangaridza ndikaona vamwe amai muvakidzani wangu vachinokora tsoka yangu. Ipapo ndakashevedzera ndokubuda muchimbuzi ndichimhanya ndikavataurira kuti ndavaona vachinokora tsoka yangu. Ivo vakazviramba vachiti vainge vanokora tsoka yembwa,” vanodaro Mai Chivore.

Vanoti vakanetsana nemudzimai uyu akaramba kuti aiva anokora tsoka yavo.

“Mudzimai uyu akawana mukana wekunokora tsoka yangu apo ainorasa madota, zvisinei nekuramba kwake nyaya iyi ndikamubvunza kuti ivhu repanzvimbo paiva patsika imbwa aida kurishandise chii akatadza kundipindura. Mushure memazuva mashoma, ndakabva ndatanga kutevera zvisingagumi kusvika nanhasi. Ndatova nedambudziko guru,” vanodaro Mai Chivore.

Vamwe vanhu vavanogara navo pamba apa vanonzi vakatomutswa neruzha rwekupopotedzana kwemadzimai maviri aya nekuda kwenyaya yekunokorwa tsoka iyi.

“Nyaya inonetsa amai ava havana kukwanisa kuburitsa ivhu ravakandinokora tsoka iri, handizive kuti vakariitisei. Ndakaguma kutevera ndiine makore 42 okuberekwa ndokuzotanga izvozvi ndasvika makore 48.

“Ndave kutyira upenyu hwangu nekuda kwenyaya iyi, uye ndiri kufamba kumasowe uko ndiri kunzi ndakagadzirwa nekunokorwa tsoka uku. Izvozvi makumbo angu ava kugara achipisa pasi petsoka,” vanodaro.

Mai Chivore vanoti vari kutsvaga anokwanisa kuvabatsira kuti zviri kuitika pavari zvipere sezvo vasvitsa masvondo matatu vakadaro kubva pazvatanga.

Vanoda kubatsira vanovabata panhare dzinoti 0771 791 742.

Mudzimai wekunzi akabatikidzwa achinokora tsoka yaMai Chivore haana kuonekwa neKwayedza achinzi akafamba rwendo uye nhare yake yaisabatika kusvika pakuburitswa kwenyaya.

Sekuru Bonface Katerere (68) vekuUzumba vanoti tsoka inenge yanokorwa inoshandiswa kuroya.

“Ukaona munhu akunokora tsoka afunga kupedzerana newe. Unogona kupengeswa, munhu akanokora tsoka yako ivhu racho rinoendwa naro ronokangwa murwenga nemishonga inosanganiswa nemhiripiri. Zvakawanda zvinoitika kumunhu uyu, amai ava ngavakurumidze kufamba kunobatsirwa pasina zvikuru zvaitika kwavari,” vanodaro Sekuru Katerere.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Mateo Mupfumbati (40) vemuHarare vachiti kunokorwa tsoka chinhu chakaipisisa mukurarama.

“Ukanokorwa ivhu repawatsika rikanogadzirwa unokwanisa kupengeswa, kupihwa munyama usingapere wekusaroorwa kana kuroora, kusapinda mabasa, unopihwawo zvirwere zvinosanganisira kuzvimba makumbo kana kupisa kwawo nezvimwe.

Kureva kuti ukatorwa tsoka yako munhu akugadzira anoita zvaanoda newe. Inonzi ‘tracking system’ kana kuti ‘radar’, unenge uri munhu wake nekuti zvose zvaunoita anozviziva asina kusvika kwauri kana kukuona, kureva kuti anokuitisa zvaanoda,” vanodaro Madzababa Mateo.

Share This:

Sponsored Links