‘Ndawondeswa nemukadzi’

21 Jan, 2023 - 04:01 0 Views
‘Ndawondeswa nemukadzi’

Kwayedza

Clotilder Mwanza

MURUME wemuHarare audza mutongi Tamara Chibindi wedare reHarare Magistrates’ Court kuti ari kuonda zvakanyanya nekuda kwekushungurudzwa neaimbova mudzimai wake.

Sabastian Jowa ataura mashoko aya apo anga akumbira gwaro redziviriro kubva kunaRuth Jowa uyo waakarambana naye.

“Uyu aimbove mudzimai wangu uye kubva paakaenda, ari kundishungurudza. Kuonda kwandakaita uku ndiye.

“Ndine rimwe gwaro redziviriro randakapihwa gore rapera. Ndinokumbirisa dare rino kuti rimurambidze kuuya kuimba yangu yewanano kuzondishungurudza nekundirwisa,” anodaro Sabastian.

Mutongi Chibindi havana kupa Ruth mukana wekuti ataurewo divi rake nekuda kwekuti pagara paine rimwe gwaro redziviriro raakatorerwa gore radarika.

Zvisinei, mutongi vanorasa chikumbiro chaSabastian, vachiti Ruth haana mhosva yaanayo.

“Sei usiri kushandisa gwaro rawakapihwa gore rapera? Unoda rimwe gwaro kuti aite murwi kumba kwako?” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links