‘Ndazvipira kutengesa mimba’

04 May, 2022 - 15:05 0 Views
‘Ndazvipira kutengesa mimba’ Ruvarashe Taruvinga

Kwayedza

Aarron Nyamayaro

MUDZIMAI ane makore 26 okuberekwa anoti anoda kutengesa pamuviri pemwana paanapo senzira yekutsvaga mari yekuchengeta mumwe mwana wake akaremera mitezo.

Ruvarashe Taruvinga, uyo ane vanasikana vaviri, anoti ari kutengesa pamuviri apa kuti akwanise kuwana mari yekutenga wiricheya yemumwe mwana wake ane makore mashanu okuberekwa.

Anoti murume wake, Tawanda Banda (33), akamusiya mushure mekunge abara mwana akaremara.

Taruvinga ari kupomera Banda zvakare kuti pane zvaakaita mapiritsi ake ekurera mhuri zvikakonzera kuti atadze kushanda achibva abata pamuviri apo akazomusiya ainapo.

“Upenyu hauna kundimirira zvakanaka uye ndakapotsa padiki-diki ndazviuraya.

“Murume wangu nanatezvara havana hanya nekuchengeta mwana wangu akaremara sezvo vachiti mumhuri mavo hamuna munhu ane hurema hwakadai. Murume wangu akatsvaga zano rekundipa pamuviri achibva anditiza,” anodaro Taruvinga.

Anoenderera mberi achiti, “Akatoenda kuMalawi uko ave kugara. Ndakange ndisingade kuita mumwe mwana nekuda kweupenyu hwandiri kurarama sezvo ndiri kutadza kuriritira mwana wandakabereka kumusana uyu.

“Anotori mwana saka handaida kuita mumwe anodazve kuberekwa. Kana ndikawana murume nemukadzi vakaroorana vanoda kutenga mwana wandichazobara pamuviri pandinapo apa, ndingatende zvikuru.

“Mwana mukomana, sekuonekwa kwazvakaitwa zvichitevera sikani (scan) yakaitwa. Ndiri kutarisira kubara mwana uyu munaChikunguru, sezviri kuratidzwa nemagwaro ekumateneti.”

Taruvinga, uyo anoita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana, anoti anoda kuchengeta mwana wake akaremara zvakanaka uye kuti awane dzidzo yakanaka.

Gore rapera, Kwayedza yakaburitsa mudzimai wekuDomboshava, uyo ainge azvipira kutengesa mwana waainge akatakura semimba, achiti ainge amomoterwa nenhamo dzaisanganisira mari yekuti avhiiwe kuchipatara.

Kwayedza yakabatsira mudzimai uyu ndokumutsvagira vabatsiri vekuti avhiiwe pamuviri apa.

Kambani yeBakers Inn yakabatsira kuti mudzimai uyu avhiiwe, zvose nemumwe wevana vake uyo anga agara aine dambudziko reguvhu.

Share This:

Sponsored Links