Uncategorized

Ndedzipi kodzero dzangu muwanano?

17 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo
MUCHIKAMU chekutanga svondo rapera, takakurukura maringe nekodzero dzinowana munhu kana achinge apinda muwanano.

Kodzero idzi dzinosanganisira dzekuwaniswa mukana wekushandisa midziyo yewanano, kodzero dzepabonde, kodzero dzekuwaniswa vana, pakati pezvimwe.

  1. Kuchengetwa:

Kana vanhu vachinge vapinda muwanano, vane kodzero dzekubatsirana kuchengeta mhuri zvichiitwa nemurume nemukadzi. Kana vaine mwana vese vane kodzero yekubatsirana kumuchengeta. Vanhu vanenge vakaroorana nenzira yechivanhu kana yemuchato vane kodzero yekuchengetana zvakare.

  1. Kuona kuti kodzero dzevana dzachengetedzwa:

Bumbiro remutemo wenyika rinotaura nezvekodzero dzevana kuti dzinofanira kuchengetedzwa nekuzadzikiswa kwezvido zvavo. Kodzero idzi dzinosanganisira kuti vange vachichengetedzwa nemhuri kana mubereki, kuva nepekugara, kudya kunovaka muviri, kuwaniswa utano, kuchengetedzwa kwavo kubva mukumbunyikidzwa munyaya dzeupfumi kana nenzira yebonde, kupihwa mazita emhuri nekuva nemagwaro ekuzvarwa. Ibasa remubereki wese kuti ange achiona kuti kodzero dzavana idzi dzachengetedzwa.

  1. Murume mumwe, mudzimai mumwe:

Kana vanhu vachinge vari muwanano yakanyoreswa pasi pemutemo weMarriage Act Chapter 5:11 zvinoreva kuti vanofanira kuita murume mumwe nemudzimai mumwechete.  Mutemo uyu unoenderera mberi uchiti hakuna imwe wanano inozotevera kana iyi isina kukanzurwa kana kupinda munyaya dzerudo nemumwe munhu kana wanano iyi ichiripo.

Kana vaviri ava vachinge vashaya kuvimbana muwanano, anenge arwadziswa ane kodzero yekunomhan’ara kumatare kuti ange achiripwa pamhosva yeupombwe hunenge hwaitwa nemudikani wake.

Pamusoro peizvi, kana munhu ari muwanano iyi akapinda mune imwe wanano anobatwa nemhosva pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.

  1. Basa rekuva mubatsiri:

Kana mumwe achinge akuvara, kurwara kana kurasika njere, ibasa remudikani wake kuti ange achibatsira zvichibva mukunzwisisa kwake. Kureva kuti mudikani anobatsira mukurapwa nekubhadhara zvimwe zvinodiwa kuti apore.

Kune katsika kekuti hama dzemunhu ndidzo dzinobatsira kana achinge awirwa nedambudziko asi hazvirevi kuti mudikani anofanira kubva asiira zvese mumaoko mavo nekuti panenge pachidiwa betsero yake.

  1. Kodzero yekugara mose:

Vanhu vanenge vari muwanano vanofanirwa kugara vose murufaro nemurunyararo.

Kune dzimwe nguva apo vanhu vari muwanano vanogona kumbogara kunzvimbo dzakasiyana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira nyaya dzebasa.

Asi, kuparadzana uku kunofanira kuitwa mukuwirirana uye vachizogarisana vose zvakare mune remangwana. Kana mumwe mudikani achinge asiri kuwirirana nazvo, nyaya iyi inogona kukwidzwa kumatare edzimhosva pasi pemutemo weMatrimonial Causes Act Chapter 5:13.

Apa tadzidza nezvekodzero dzinowanikwa kana vanhu vachinge vapinda muwanano nezvavanofanira kutevedza kuitira kuti vange vachironga remangwana takatarisa nhau yekuchengetwa kwemhuri.

 

*Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva tibatei padandemutande rinoti: [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey