Uncategorized

Ndedzipi kodzero dzangu muwanano?

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

BUMBIRO remutemo wenyika ndiwo mutemo mukuru muZimbabwe.
Chikamu cheSection 26 (C) chebumbiro redu remutemo chinoti panofanirwa kuve nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhu vari muwanano uye nepavanozorambana.

Vanhu vakawanda vanopinda muwanano vaine zvakasiyana zvavanenge vachitarisira.  Sezvo wanano iri sungano inocherechedzwa nemutemo, zvakakosha kuziva kodzero dzinoenderera nevanhu vari muwanano.

Chinyorwa chino chiri paviri, svondo rino tichakurukura pamusoro pedzimwe kodzero huru dzemuwanano uye svondo rinouya tichataura nezvinotarisirwa kuitwa nemurume nemudzimai vari muwanano.

  1. Kodzero dzemidziyo yemuwanano:

Kodzero idzi dziri pamusoro pemidziyo yakatengwa mukadzi nemurume vave muwanano.

Mutemo unoona nezvekodzero yemidziyo yemuwanano muZimbabwe unodaidzwa muchiRungu kuti “out of community of property and profit or loss”.

Izvi zvinoreva kuti mudziyo wakatengwa vanhu vave muwanano muridzi wawo ndouyo ane zita rinenge rakanyoreswa mudziyo uyu.

Kana murume nemudzimai vakatenga imba uye vakainyoresa mumazita avo vose, imba iyoyo inenge iri yavo vose. Zvimwechete nekuti kana imba inenge yatengwa iyi iri muzita remurume chete inenge iri yake.

Kana muchida kuziva zvakawanda pamusoro pekodzero dzemidziyo yemuwanano munogona kuverenga chinyorwa chine musoro unoti “Right to property purchased during civil marriage” icho chakaburitswa nebepanhau reThe Herald nemusi wa19 Gumiguru mugore ra2016 uye chinokwanisa kuwanikwa zvakare padandemutande rinoti: www.herald.co.zw/right-to-property-purchased-during-civil-marriage/

Zvisinei, izvi hazvirevi kuti anenge aine zita rakanyoreswa mudziyo ndiye oga anoushandisa kana ari muwanano.

Vose murume nemukadzi vane bvumo yekushandisa mudziyo uyu vakasununguka.

Pamusoro pezvo, hapafanire kuve nekutengeswa kwemidziyo yemuwanano kuburikidza nenzira ine hutsinye mukati.

Muenzaniso ndewe murume anogona kudzoka kumba achisvikowana mudzima wake atengesa mubhedha wavo wavanorarira.

Kutengeswa kwemubhedha uyu pasina kuwirirana kwemudzimai nemurume wake kunotorwa sekutengeswa kwemudziyo pachishandiswa hutsinye.

Maitiro akadai aya haatenderwe pasi pemutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16.

Kana pane ari muwanano anenge akaitirwa zvakadai, anokwanisa kuenda kumatare edzimhosva kunomhan’ara.

  1. Kushandiswa kwezita:

Mushure mekupinda muwanano pasi pemutemo weMarriage Act Chapter 5:11 kana Customary Marriages Act Chapter 5:07, mudzimai akasununguka kushandisa surname yemurume wake kana achida.

Kana achida kushandisa surname iyi anofanirwa kuenda kumahofisi aRegistrar aine magwaro ake ekuzvarwa pamwechete nemucahto kuitira kuti azopihwa chitupa chitsva icho chinenge chiine surname yemurume wake.

  1. Kodzero dzevana:

Pasi pebumbiro remutemo wenyika, murume nemudzimai vose vane kodzero dzekuriritira vana, kugara navo uye nekuvaona kana vachinge vakaberekwa kunze kwewanano.

Murume kana mudzimai anogona kuenda kumatare edzimhosva kana achiona sekuti ari kutyorerwa kodzero dzake pamusoro pevana.

  1. Kodzero yekutora matanho kana mumwe asisakwanise kuita basa rake semubereki:

Kana mumwe asisakwanise kuita basa rake semubereki nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, mumwe wake ari muwanano anokwanisa kutora matanho anenge achidiwa akamumirira.

Semuenzaniso, kana mumwe ari muwanano akasangana netsaona yemumugwagwa yobva yamuremadza zvikuru kana kuti ave kurwara nepfungwa, mumwe wake anogona kutora matanho ose anenge achidiwa muwanano yavo akamumirira.

  1. Spousal privilege:

Pasi pemutemo, munhu anenge ari muwanano haamanikidzwe kuti ange achiroverera mumwe wake pamhosva kumatare edzimhosva uye iyi inozivikanwa nekunzi “spousal privilege”.

Kodzero dzose dzadomwa pamusoro apo ndedzimwe dzinove huru dzinowanikwa kana vanhu vapinda muwanano.

Ngatisanganei svondo rinouya apo tinenge tiine chikamu chechipiri chiri pamusoro pezvinotarisirwa kuitwa nevanenge vari muwanano.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuzivisa tibatei padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey