Ndezvenhando izvo: Warren

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Ndezvenhando izvo: Warren Tyson Fury

Kwayedza

PUROMOTA waTyson Fury, Frank Warren, anoramba mashoko ekuti mutambi wetsiva uyu – uyo anozivikanwa saGypy King – ave kubuda mumutambo weWorld Heavyweight Super-fight uyo acharwa naDeontay Wilder achiti ndeenhando.

Fury akatanga kuziva nezvenyaya iyi achingobva kudzoka kubva kuzororo kwaakange aenda nemhuri yake zvichitevera kuhwina kwaakaita kuBelfast mune mumwe mutambo izvo zvakamubatsira kuti azorwa naWilder vachirwira bande reWBC Heavyweight kuUS nguva inotevera.

Akabva angoenda padandemutande ndokunyora kuti, “Ndichangonzwa mashoko ari kutenderera kuti mutambo wedu hapasisina. Kwete panguva yangu hapana. Handisi kuzobuda mumutambo uyu kana umwe.

“Uripo saDonkey Kong. Tyson Fury anenge mambo ari kuuya kuAmerica. Ndakasimba uye svondo rino ndipo pandiri kutanga kuita gadziriro dzangu dzemutambo uyu. Asi ndakatogadzirira nechekare uye handifanirwe kudzikira muviri wangu. Ndiri kurida bhande rina Wilder uye ndiri kuuya kuzoritora.”

Izvi zvakatanga kutaurika nekuda kwekuti mitambo yaakwikwidza Fury yakawandisa munguva shoma zvichitevera kudzoka kwaakaita mutsiva, uye mashoko aya akatanga kusimuka zvichitevera mumwe mutori wenhau wekuUnited States akataura kuti mumwe munhu asina kuda kuburitsa zita rake anove mumwe wevanomirira Fury, akataura kuti mutambi uyu ari kurakidza kutya kupinda mumutambo uyu.

Kozotiwo puromota waAnthony, Joshua Eddie Hearn, apo vari kugadzirira Aj kurwira kuchengetedza bhande rake reheavyweight paachasangana naAlexander Pvetkin kuWembley mwedzi unotevera, akareva munhu mumwe chete achitaura kuti haana shuwa kuti mutambo uyu uchabudirira here achiti haafunge kuti dhiri iri remutambo uyu naWilder richiri kure kubvumiranwa. – SportsMail Boxing

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey