‘Ndichakudzika demo bedzi’

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI wechikuru anogara muHarare akasiya vanhu vaive mudare vasina neremuromo apo akati muvakidzani wake akaramba achipfuura nenzira iri pedyo nepamba pake anomudzika demo uye haana hanya nekuenda kujeri.

Izvi zvakabuda apo Noah Nemano akamhan’arira Trisha Mudembo kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Nemano anoti hondo yose iyi yakatanga mushure mekunge Mudembo arwisana nemudzimai wake vakasungwa nemapurisa.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Nemano gwaro rinomudzivirira.

“Ndokumbirawo dare rimise mai ava kuuya kumba kwangu vachipopota kana kundikandira zvidhinha mumugwagwa ndichipfuura sezvo ndichisevenza husiku.

“Ndinodzoka kwaedza nekudaro ndinenge ndichidawo kuzorora asi hazvisi kugoneka sezvo vachiuya kuzoita ruzha ndakarara,” anodaro Nemano.

Anoti haadi kuona Mudembo achisvika pamba pake kana kutaura naye sezvo asina chekuita naye.

Achipawo divi rake, Mudembo anoratidza hukasha uye anobheja kuti kunetsana kwavo kunopedzwa nekunge iye auraya Nemano.

“Inini handidi kuvaona vachipfuura nenzira iri pamba pangu uye vakaramba vachizviita ndinovatema nedemo nekuti hapana kusiri kufa, vanonetsa vanhu ava.

“Mukadzi wababa ava anouya achirasira marara pamba pangu. Ini handidi kuona munhu, ngavatotsvaga kumwe kwekufambira,” anodaro Mudembo.

Anoti mudzimai waNemano ane dambudziko munharaunda rekusagarisana nevamwe zvakanaka izvo zvakonzera kuti vanetsane.

Share This:

Sponsored Links