‘Ndichakurova kusvikira watoti eke’

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Ndichakurova kusvikira watoti eke’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

NYACHIDE akazvuzvurudzira vahosi kudare achiti haazi kudya rinopisa sezvo vanomurikita pose panorara murume wavo kumba kwake.

Pelogi Gomborashamba akamhan’arira Violet Mamombe kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gomborashamba gwaro rekumuchengetedza.

Gomborashamba anoti Mamombe anonomushungurudzira kumba kwake.

“Mudzimai uyu ndivahosi pamurume mumwechete neni asi amai ava vandishaisa mufaro. Vanouya kumba kwangu vachindituka nekundirova pese panorara murume wedu kwangu. Vanonditi ndiri pfambi inorara nevarume vevanhu. Vakatondirova ndikanomhan’ara kumapurisa. Mapurisa akati tiuye kudare kuno,” anodaro.

Gomborashamba anoenderera mberi achiti, “Ndakatanga kudanana nemurume wangu muna August, haasati andibvisira hake pfuma asi togara tese saka murume wangu. Amai ava vanogara vachindityisidzira, vakatotsvaga vanhu vekuti vandirove.”

Mamombe anoti ndiye anoshungurudzwa naGomborashamba.

“Mutongi, mukadzi uyu ari kunyepa. Ndiye akandirova handisati ndambomurova.

“Kumba kwake ndakangokusvika ndichida kutora gas rangu rainge raenda nemurume wangu ikoko. Pandaida kunomumhan’arira murume wangu akandirambidza,” anodaro.

Mamombe anoti acharamba achinetsa Gomborashamba kusvikira asiyana nemurume wake.

“Mukadzi uyu ndomuziva nekuti ndakamuona ane murume wangu. Ndichangoramba ndichimunetsa kusvikira asiyana nemurume wangu, ndichangoita chero zvandinenge ndaita.

Murume wangu haachachengete vana achiti havasi vake nokuda kwemukadzi uyu. Vakarambana asi iye ndiye akuramba achinetsa murume wangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links