Ndide upore: muporofita

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Ndide upore: muporofita

Kwayedza

Milcah Nhakura
MURUME wekuDomboshava ari kupomera mukoma wake anova muporofita mhosva yekudanana nemudzimai wake mushure mekunge amushandira padambudziko raakange anaro.

Muporofita uyu anonzi akatyisidzira mukadzi uyu achimuti kana akasadanana naye, dambudziko raizodzoka. Izvi zvakabuda muHarare Civil Court mushure mekunge Christon Chaka amhan’arira munin’ina wake Makenice Chaka achiti ari kumushaisa rugare nekumurova achimutyisidzira kuti anoda kumuuraya nekumupomera mhosva yekudanana nemudzimai wake.

“Changamire, ini nemunin’ina wangu hatina kugarisana zvakanaka. Tinogara paimba imwe chete kuDomboshava asi munin’ina wangu anondirova, kundituka, kundityisidzira nekuda kundiurayaachindipomera mhosva yekudanana nemudzimai wake,” anodaro.

Christon anoti haadanane nemudzimai wemunin’ina wake asi kuti mukadzi uyu ndiye akatomutumira meseji yezverudo pafoni pake.

“Zvose zvekundirova imhosva yekuti anoti ndakadanana nemudzimai wake asi mudzimai wake ndiye akandiisira meseji yerudo ndikatoshayawo kuti zvabva nekupi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Anoti anoda kundiuraya zvinova zvinhu zvinondivhiringa pfungwa. Vanasekuru vakatomboedza kutigadzirisa asi akanditema nematombo nekundirova zvekuti pandakaenda kumapurisa, vakatonditi ndiuye kuno kuCivil Court ndikumbire gwaro redziviriro.”

Makenice anoudza dare kuti akabata mameseji erudo aitumirana mukadzi wake naChriston.

“Nyaya iri pakati pangu namukoma wangu ihombe. Ndakabata mameseji erudo avaitumira mudzimai wangu. Pandakabvunza mudzimai wangu, akanditi akatyisidzirwa nababamukuru izvo zvakazoita kuti adanane navo,” anodaro.

Makenice anoti mukoma wake muporofita uye ane mbiri yekudanana nemadzimai evanhu munharaunda.

“Mukoma vangu muporofita saka vakamboshandira mudzimai wangu vakatanga kumutyisidzira vachimuti kana asingade kuti dambudziko raakamushandira ridzoke, vanofanirwa kudanana,” anodaro.

Makenice anoenderera mberi achiti, “Mukoma vakatomboendeswa kudare remudunhu medu nemumwe murume nemhosva yekudanana nemudzimai wake, vakanzi varipe mombe nhanhatu. Mubvunzo wangu ndewekuti sei vachidiwa nemadzimai evanhu uyezve nemhaka yei vachidanana nemadzimai evanhu?” anodaro Makenice.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Christon gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey