Ndiko kupindana kwamazuva

18 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VAKAPINDA musarudzo dzokutanga sevavhoti nyika ichiwana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, vachiripo nhasi uno tadongorerana neimwe sarudzo, vanogona kupupura kuti zvinhu zvasanduka.

Pane zvizhinji zvakaitwa muna1980 zvisisiri kuitwa mugore rino. Asi hwaro hwakaumbwa gore iroro hahufe hwakaparadzwa zvakare. Chingangoita ndechokuti zvimwe zvinhu zvinoenda zvichivandudzwa, zvichienderana nezvavako, kwete muZimbabwe chete, asi mudunhu reSadc neAfrican Union yose.

Vanhu pavakavhota muna1980 sangano reSadc rakange risati ravepo nokuti dzimwe nyika mudunhu rekuchamhembe kweAfrica dzakange dzisati dzasununguka, kusanganisira South Africa neNamibia. Mozambique neAngola vakange vari pakati pehondo (civil war), vapanduki vachirwisa hurumende itsva.

Sarudzo dzegore rino dzinenge dziine mapato akawanda ari kukwikwidza, asi vamwe vechidiki vari kukwikwidza gore rino, vanofunga kuti vatsva vetsambo nokuti muZimbabwe hamuna kumbokwikwidza mapato akawanda kudaro.

Vasingazive ngavadzidziswe, vaudzwewo kuti vakatarisa nhoroondo yesarudzo dza1980, vachaona kuti kune mapato akawanda akakwikwidza, zvisinei kuti nyika yaibva muhondo.

Ivava vechidiki zvakare, vakatarisa, vachaona kuti sarudzo dza1980 dzaive nevanhu vechidiki nevakuru vaikwikwidza, pasina aizvidza mumwe kubudikidza nezera.

Chanetsa gore rino ndechepfungwa yapinda muvana vechidiki (makore 18 kusvika 40) vanofunga kuti vose vane makore ari pamusoro pemakore aya, ngavaende kumba, vanozorora ivo voita basa.

Kafungiro aka kanosuwisa zvikuru, nokuti hapana munhu akangoerekana ave nemakore makumi matanhatu kana manomwe.

Munhu wese anotevera muronga mukukura kwake.

Patinenge tichikura kudaro, ndipo patinowanawo ruzivo nounyanzvi hwedu zvichikwenenzvereka, kuitira kuti kana tikati tave kuda chigaro chakati kuti, tinenge tichiziva kuti tave narwo ruzivo.

Saka iri kubva kupiko pfungwa yokuti vanhu vezera romutungamiri werimwe bandika reMDC-T, Nelson Chamisa, ndivo chete vakakodzera kukwikwidza?

Zvauya sei? Kuzvidza kana kuti ipfungwa yabata mazera echidiki kuti ndivo chete vane kodzero yokushanda?

Inzwai, Mukwende haarambi kuti vechidiki vawanda kupinda vanhu vakuru.

Asi hazvizi muZimbabwe chete, uyewo hazvingaonekwe sedambudziko nokuti ndozvazviri mumaziso aMusiki.

Zera rimwe nerimwe rinenge richiita zvaro zvakananga kuendesa nyika mberi.

Saka zvatave kuona mazuva ano kuti vechidiki vave kuti vakuru ngavaende kumusha kunofudza mbudzi, kuti ivo vatore mabasa, zviri kubva kupiko?

Muzvare Jessie Majome, mumiriri weMDC-T mudare reParamende kuHarare West ari parumananzombe nevechidiki vemubato rake vari kumuti ngaaende kumusha anofudza madhongi.

Izvi zvasvika padanho rokuti achapinda musarudzo ari nhengo yakamira yoga.

Muzvare Majome haasi iye wokutanga kuudzwa makobvu nematete nemazera echidiki vave kungofunga kuti zvese ngazviitwe naivo. Ukaenda pa”social media”, ndidzo nyaya dziripo dzokutuka.

Unonzwa vachiti vatadza zvachose mumabasa avo, uye ngavasiire vechidiki vanonzwisisa ruzivo rwamazuva ano rwehunyanzvi hwe”technology”.

Vamwe takakura tichiudzwa kuti mukuru, mukuru, hanga haigari pfunde, nezvo takange tisingazive kuti ichasvika nguva yokuti vakuru vanonzi hapana zvamunotibatsira. Toona kwazvinosvika.

Kupindanawo kwemazuva, sezvatiri kuona suku nasai iri kuitika mumatunhu akasiyana-siyana vanoda kukwikwidza vachitsvaga rutsigiro.

Zviri kuitwa nenzira dzakasiyana-siyana, asi donzvo riri rokuti pito painorira kuti ngoma iya ngairidzwe, Zimbabwe inosarudza mutungamiri wenyika wainogutsikana naye; vamiriri mudare reParamende nevamiriri vematunhu mumaguta nekumaruwa.

Iye zvino, zvinoita segomo risina hukwiriko, kumwe kuchinzi tabiridzirwa, vamwewo vachichema kuti mumiriri wavainaye ndewokumanikidzirwa.

Zvisinei zvese izvi, semvura yeguvi, zvichagadzikana sarudzo dzongoitwa murunyararo, pajekerere. Inganzi “democracy” sei kana vanhu vasingaedzane masimba? Kutori kukura kweZimbabwe ikoku, nhasi kuchiuya zvimwe, mangwana kwouyawo zvitsva.

Kana ivo vechidiki vanhasi vari kuti vakura ngavanofudza mbudzi kumusha, vachaona kuti vachasvika pazera iroro, uyewo vachaziva kuti hapana chakamboipa pakufudza mombe, madhongi kana mbudzi. Upfumi hunoraramisa munhu, kwete motokari dzinodhura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>