Uncategorized

‘Ndiko kuti shungu dzemufi dziserere’

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Ndiko kuti shungu dzemufi dziserere’ Gogo Mukwapura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHEMBERE iri kugara kwaZiko, kwaSeke — asi kumusha ichibva kuChecheche, kuChipinge — inoti tsika yekuti mudzimai kana murume akafa aine shungu dzekusagutswa mumachira nemumwe wake, chitunha chake chinofanirwa kuwaniswa nguva kana kuti mukana wekumboshinha nemudikani wake.

Vanoti tsika iyi inoitwa kumamwe matunhu emuZimbabwe, asi kungoti hazvisi zvinhu zvinokokerwa veruzhinji kuti vaone.

Mbuya Svorai Mugondachako (52), avo vanova n’anga, vanoti murume kana mudzimai akafa aine “nzara” kana shungu dzekusagutswa nemudiwa wake mumachira, tsika yechivanhu inoti anenge afirwa uyu anotofanirwa kupihwa mukana wekushinha nechitunha chemumwe wake.

Vanoti izvi zviri kuitika kwakawanda, asi kungoti hazvitaurwe kana kushambadzwa kuruzhinji.

“Murume kana mudzimai akafa aine shungu dzebonde, pane mashiripiti anoitika sekuti chitunha chinofuta chiri mubhokisi zvekuti vehukama vanotomboita dare rekuti munhu asavigwe aine shungu.

“Kana ari murume anenge afa, sikarudzi yake inogona kuramba yakatirimuka. Mudzimai wake nehama dzekwake vanoziviswa nezvenyaya iyi, pamwe mukadzi oripiswa kana mbudzi. Mhosva yake inenge iri yekugarisa murume nenzara muimba yekurara.

“Madzisahwira vano

zoenda nemudzimai uyu mumba munenge muine chitunha umo vanomupa mukana wekupinda mugumbeze, vomufugidza kuti amborara nechitunha chemurume wake kusvika shungu dziya dzaserera.”

Mbuya Mugondachako – avo vanoonekwa nguva zhinji mumigwagwa yemuHarare vachidzidzisa veruzhinji mabatirwo anoitwa murume kana mudzimai muwanano – vanoenderera mberi: “Chitunha chinozogezeswa, chochinovigwa hacho nekuti shungu dzinenge dzaserera. Hazvitenderwe kuviga munhu aine shungu dzerudzi urwu, zvinoshura kana kuyera.

” Vanoti kana ari mudzimai afa aine shungu, chitunha chake chinofuta kuita sechichatadza kukwana mubhokisi.

Murume wake anoripiswawo mbudzi, opinzwa mumagudza nechitunha chemudzimai wake kusvika mutumbi uya unenge wambofuta waserera.

“Chitunha chemudzimai chinozogezeswawo, madzisahwira nevamwe vatukwa vachiridza mhururu nekutukirira murume kuti aigarisiyei mukadzi wake nenzara,” vanodaro. Mbuya Mugondachako vanoti nyaya yekupinda nechitunha pabonde inovanzwa veruzhinji asi yongozivikanwa nevashoma vepedyo-pedyo.

Vanotiwo kana munhu akavigwa aine shungu dzerudzi urwu, mweya wake hauzorori zvekuti anogona kumuka goritoto, kuita mumvuri kana chipoko icho chinopinda muimba yekurara. Anogonawo kuita kuti vanhu vangonzwa kuda kurasa dope pose pavanopfuura nepedyo nenzvimbo yaanenge akavigwa.

Asi vanoti dzimwe nyaya dzekusagutsa mumwe mumachira dzinokonzerwa nehurwere kwete nekuda.

“Ndipo murume kana mudzimai anofanirwa kutsanangudza kuhama dzemumwe wake afa kuti izvi hazvina kuitika nekuda, asi nekurwara. Kana pakadaro, hama dzemufi dzinotuka kana kutaura kumufi kuti asaite shungu nekuti mumwe wake aiita izvi nekurwara.”

Share This:

Sponsored Links