Uncategorized

‘Ndine chikomba mufudzi wemombe’ ‘. . . kungoti murume wangu anonzwisisa’

30 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
‘Ndine chikomba mufudzi wemombe’    ‘. . . kungoti murume wangu anonzwisisa’ Chipo Kanyanani

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

KANA tichitarisa nyaya dzekurwadziswa kuburikidza nekunyengedzwa, vanhu vazhinji vanokundikana kududza mashoko avo.
Inyaya inonetsa kukanganwa.

Semunyaya yemurume wekuNyanga, Martin Kanyanani, wemubhuku raMuzika, kwaMambo Saunyama, akarwadziswa zvikuru neshamwari yake inove mufudzi wemombe, Thomas Nipura, uyo akamutorera mudzimai wake anonzi Chipo Kanyanani.

Nhipura anonzi aiita bonde pamadiro nemudzimai weshamwari yake iyi gore rose radarika.

Kanyanani anoti aivimba neshamwari yake zvakanyanya apo aitombovasiya vari voga.

Anovimba kuti Nhipura ane zvinhu zvaakashandisa mukukwezva mudzimai wake.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Saunyama svondo rapera apo Kanyanani aida kuripwa naNhipura pamhosva yekutorerwa mudzimai wake.
Kanyanani anoti achiri kungoda mudzimai wake zvisinei nekuti akaita gumbo mumba gumbo panze.

“Handingaparadze imba yangu nekuda kwechinhu chidiki ichi, ndinovimba kuti Nhipura ane zvaakashandisa kukwezva mudzimai wangu. Ini ndini munhu akapedzisira kuziva nezverudo rwevaviri ava muraini medu,” anodaro.

Zvisinei, Nhipura haana kuuya kudare.

“Zvose izvi vaizviita pachena, zvino ini ndakangofunga kuti hwaingova hushamwari. Chinondirwadza zvikuru ndechekuti mudzimai wangu aive akazvitakura panguva iyi, nokudaro handichaziva kuti mwana wacho ndewangu here?

“Asi ndinoti mwana uyu ndewangu, kungoti vanhu vari mumaraini ndivo vari kuti anogona kunge asiri wangu uye zvinorwadza,” anodaro Kanyanani.
Anoti anoda kuti Nhipura akumbire ruregerero nekumuripa kumutorera kwaakaita mukadzi wake.

“Chandinoda ndechekuti nyaya iyi itongwe nemazvo, aidanana nemudzimai wangu vachitofamba pajekerere munharaunda. Anofanira kukumbira ruregerero nekuti haatorina kana chinhu chekundiripa nacho.

“Ari kufamba achitaurira vanhu kuti ndiri fuza nekuti handina zvandakamuita mushure mekunge abvuma kuti ari kudanana nemudzimai wangu uye kuti haasi kuzondiripa,” anodaro Kanyanani.

Mudzimai wake, Chipo anobvuma pamberi pedare kuti ari kudanana naNhipura.

“Ndakaita bonde naNhipura uye handizive kuti zvakafamba sei. Makuhwa akatenderera kusvika murume wangu azviziva achibva andibvunza ndikabvuma.

“Akabva aenda kunaNhipura achibva abvumawo. Ndakatadza hangu asi ndinotenda kuti murume wangu anozvinzwisisa,” anodaro mudzimai uyu uyo ane mwana mumwe chete nemurume wake.

Mambo Saunyama vakapfuudza kutongwa kwenyaya iyi kumberi kuitira kuti Nhipura azouye kudare.

Share This:

Sponsored Links