‘Ndine vana 5 nevarume 5’

20 Jun, 2022 - 14:06 0 Views
‘Ndine vana 5 nevarume 5’ Netsai Chikunu achiratidza makiyi emotokari yake yaakazembera iyo akatenga kuburikidza nechirongwa chemukando.

Kwayedza

Abel Ndooka

MUDZIMAI anoita basa rekutengesa muviri kwaMutare ari kubuda pachena kuti murume wose waakadanana naye akatomuitira mwana nechinangwa chekuda kuparadza dzimba dzavo.

Netsai Chikunu (36), uyo ane vana vashanu nanababa vakasiyana, anoti panguva yaakatanga kutengesa muviri, aiita seane shavi.

Anoti murume wose waaidanana naye, aitomuitira mwana uye vana vacho aisava nehanya nekuvachengeta sezvo mari yaaiwana mubasa rekutengesa muviri aipedzera yose mukudhakwa.

Pamusoro pezvo, Chikunu anoti aiita kunge anosvikirwa sezvo aigara achirwa nevanhurume zvose nemadzimai avo.
Asi pari zvino, mudzimai uyu anoti ava kudemba ruvengo rwaaiitira vana vake uye haafunge kuti vachamuregerera nehutsinye hwaaivaitira.

“Ndiri munhu akakura upenyu husina kunaka nekuti mubasa randaiita rekutengesa muviri, ndaitoda kuparadza dzimba dzevanhu sezvo murume wose wandaidanana naye ndaitomuitira mwana chete. Ndine vana vashanu vose vanana baba vakasiyana.

“Ndikatarisa vana vangu iye zvino, mwoyo wangu unorwadza zvikuru nekuti ndaivaitira hutsinye sezvo ndaisavachengeta zvakanaka. Mari yose yandaibata ndaiipedzera kudoro ndisingambotengere vana vangu chekudya, izvo zvekuti vachadyei ndaisatombove nehanya nazvo.

“Asi iye zvino ndakwanisa kushandura upenyu hwangu, handichaita sezvandaiita zvekuparadza dzimba dzevanhu,” anodaro.

Chikunu anoti nekuda kwekugara kwaaiita achirwa nevanhu, zvakakonzera kuti asare ave nembonje muviri wake wose.

“Ini ndiri munhu aive nehasha chaidzo zvekuti ndaisatya kurwa, ndairwa kakawanda ndichirwisana nemadzimai evanhu kana ivo varume vacho. Mukatarisa musoro wangu uzere nembonje dzega dzekurwa, ndaisatangika,” anodaro.

Chikunu anoti akazokwanisa kushandura upenyu hwake mushure mekutanga kushanda neveboka reCentre for Sexual Health and HIV/AIDS Research Zimbabwe (CeSHHAR), avo vakamudzidzisa mabasa emawoko anoraramisa.

Mudzimai uyu akadzidziswa zvakare nesangano iri kuti akwanise kufundisa vamwe vake pamusoro pekukosha kwekutora mishonga yavo inosanganisira maARV (microplanner).

Chikunu anoti mabhindauko emawoko aya ashandura upenyu hwake izvo zvakamuona achipinda muchirongwa chemukando icho chakamubatsira kuti akwanise kuchengetedza mari yake kusvika azotenga motokari.

“Handizive kuti veCeSHHAR ndinovatenda sei nekuti vakakwanisa kushandura upenyu hwangu kuburikidza nekutidzidzisa ini nevamwe vangu kuzvishandira nemawoko edu.

“Tine chirongwa chatinoita chemadzimai chemukando icho tinokandirana mari mwedzi woga-woga. Mari iyi tinoishandisa kuita mabhindauko akasiyana kana kutenga midziyo yekushandisa mumabasa izvo zvinoita kuti tibatsirikane takawanda.

“Ini kubudirikidza nemukando uyu nekuzvishandira nemawoko, ndakakwanisa kuzvitengera mota uye ndave kuraramisa vana vangu ndichivapawo zvavanoda. Ndinoziva kuti zvichanditorera nguva refu kuti vana vangu vandiregerere asi ndicharamba ndichingoshingirira,” anodaro Chikunu.

Share This:

Sponsored Links