Uncategorized

‘NDINE ZVIKOMBA 15’‘. . . vamwe 20 vari kundida’

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘NDINE ZVIKOMBA 15’‘. . . vamwe 20 vari kundida’ Violet Muchero — Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara muHarare, anoti zvinomuremera kuramba shoko rerudo, izvo zvamuita kuti adanane nevarume 15 panguva imwe chete — vakaroora nevasina — uye haasi kumira, sezvo vamwe vangasvika 20 vachiri padanho rekumupfimba.

Haana tarisiro yekurasisa avo vachiri kumukanda mashoko erudo ava, kureva kuti anokwanisa kunge ava nezvikomba 35 chero paada.

Violet Muchero (21) — uyo anobva kwaMambo Nyakuchena, kuMudzi, asi ava kugara kuCharlotte Brooke, kuBorrowdale akafirwa nababa asi amai vake vapenyu.

Anoti rake rinotova shavi rekuda varume, izvo zvakamuita kuti atize murume ainge akamuroora, achisiyako mwana ava nemakore matatu okuberekwa.

“Varume vandiri kudanana navo izvezvi? Ndinofunga kuti vanodarika 15, regai nditotarisa mufoni nekuti handivazive vose nemusoro,” Violet anoudza Kwayedza pasina kana kunyara.

Anotipa mazita ezvimwe zvikomba zvake nevarume vari kumukanda mashoko erudo, kusanganisira vane madzimai nemhuri.

Asi anoti zviri kuitika kwaari izvi haazvide, izvo zvinoita kuti afunge kuti ishavi.

“Ndaitombova nemurume ainge akandiroora tikaita mwana mumwe chete. Asi kutaura chokwadi, ndini feya feya ndakamutiza pasina kana chandainge ndatadzirwa . . . ndokubva ndatanga kudanana nevarume vakawanda.”

Violet anozviti haazi pfambi uye haanwe doro kana zvimwe zvinodhaka.

Anoti zvikomba zvake zvinosanganisira vana vechikoro, mahwindi nedzimwe shoroma dzakaroora nedzisina.

Mukadzi wechidiki uyu anoti kuda kwake varume kwakawandisa uye zvakatanga asati aroorwa, ndokumboita sezvadzikama apo ainge amboenda kumurume, zvichibva zvazomudzokera mugore ra2017 panova akazotiza murume.

“Pakukura kwangu ndaisada zvetsvina uye ndairwa nevakomana vaitsvaga rudo kwandiri. Pandakasiyana nemurume (ainge akandiroora) varume vakatanga kunditsvetsva vachindida — kuita kunge nyuchi | ini ndichingovada.

“Hakuna motokari inondidarika murume anenge arimo akasandikanda ziso. Vamwe unoona votomisa mota kuti vanditore uye ini zvinondiomera kuramba. Ndinobva ndangobvuma, totodanana.

“Handisarudze, kana vetsoka vanoita sevachabonderana vachida kutaura neni asi vashoma vandinoramba.

“Asi zvino ndawandirwa, izvozvi vandinavo i15 uye vamwe 20 vari kutsvaga rudo kwandiri,” anodaro Violet.

Abvunzwa kuti ko haatye kutapurirwa zvirwere here, Violet anoti pavarume 15 ava, anongoshinha nevashanu bedzi uye vamwe ndevekungozunza nekuvadya mari.

“Kukawana anoti anoda kundiroora, ndinomuudza kuti handina nhamo yevarume. Pandakatanda zvekumhanyirwa nevarume, ndakafamba-famba naamai vangu – Judith Muchero – takaudzwa kuti ndine chandakaturikwa uye ndikambonzi ishavi renjuzu.”

Violet anoenderera mberi nenyaya yake: “Nyaya yekuita varume vakawanda iyi yandiparira sezvo pasisina kana hama yangu inondida kubvira kuna ivo amai, vakoma vangu vaviri nehanzvadzi dzangu mbiri. Sisi vangu vandaigara navo kuGoromonzi ndakavatiza – ikoko ndakadanana nevarume vevanhu vakawanda – uyewo kumba kwedu kuCharlotte Brooke ndakatiza pamba zvekuti ndave kugara neshamwari yangu musikana wechikoro ari muFomu 3 ikoko. Asi shamwari yangu uyu haaite zvandinoita, ndinotomuudza tsika dzakanaka.”

Anoti amai veshamwari yake iyi vanoshanda saneni muHarare uye vanozviziva kuti iye ari kugara nemwana wavo pamba apa.

Violet anoti varume vaanodanana navo havambofa vakazivana kana kudhumana sezvo musi waanosangana nemumwe wavo, anobva adzima nhare yake ozoibatidza apedza naye.

“Mufoni mangu vamwe ndakavasevha saE*** (zita rekambani) nezvimwe zvekuti hapana anombozviziva. Vose varume 15 ava vanonditumira mari panhare pangu. Ndikapihwa mari nemumwe achiti ndinomuona, handiendeko asi ndinobva ndaenda kune mumwe asina chaandipa.

“Varume vose vandiri kudanana navo vanondichemera kuti ndisavarambe, vamwe vachitovhundutsira kuti ndikaroorwa vanonditevera kumurume anenge andiwana iyeye,” anodaro Violet.

Kwayedza ine mazita azere ezvikomba zvinodanana naViolet izvo zvinosanganisira murume wemunhu anoshanda paCoal House, muHarare, Innocent anova hwindi kumakombi, Allen anova mwana wechikoro, Kuda mutyairi wegonyeti naWelly anotyaira gonyeti zvakare uye akaroora.

“Welly ari kutoti anoda kuenda neni ndonogara naye kuSouth Africa asi achipota achidzoka kumba kwake kuno. Ndini ndiri kutoramba zvangu . . .”

Zvimwe zvikomba zvake ndiSamson anoshanda kuimwe kambani yefodya achigara kuMbare, Calvin anova rovha, Naboh anosevenzerakuSouth Africa nekuNamibia semutyairi wemabhazi, Ashley mushandi weimwe kambani inoita zvedzinhare naKudzi anove mutyairi wegonyeti zvakare.

Vamwe ndiCaleb waanoti anoita zvekupa mari dzechimbadzo uyo akaroora, Bernard anoshanda muHarare, Thomas ari kumahofisi anoita nezvezvicherwa kuSam Levy zvekare akaroora, Takudzwa anochinja mari paEastgate, muHarare, naTawanda anotyaira kombi inobva kuna Fourth Street ichienda kuMbare.

“Pavarume vose ava ndinongoshinha nevashanu bedzi uye ndakadzivirira. Mwana wechikoro handisati nekuti mudiki.

“Ndinoshandisa dziviriro nekuti vose ndinovati ndiri HIV-positive kunyange zvangu

ndisiri.”

Violet anoti haana tarisiro yekuroorwa zvakare.

“Pavarume vose ava ndinonyanya kuda kondakita wekombi sezvo achindigonera uye anotevedzerwa newekuSouth Africa nekuNamibia nekuti anondipa twose twandinoda nekundivimbisa zvihombe. Uyu anoshanda kufodya wekuMbare, ndiye mumwe wevatatu vari pamoyo pangu, ruzhinji nderwekudya mari,” anodaro Violet.

Kuita seari kurudunuka seshinda, Violet anoenderera mberi: “Chikomba changu chidiki ndiAllen ane makore 21 mwana wechikoro, kuchiti chikuru kune vose ndiThomas ane makore 41. Pazvikomba zvangu zvose, vakawanda vacho vanogara muHarare.”

Violet anoti munharembozha yake haambofa akanyora mazita ezvikomba zvake chaiwo asi emadunhurirwa kuitira kuti zvisazive zvinenge zvichitika.

“Ndinonyora mazita ekurasisa, mamwe ari funny kuti ndisabatwe. Kwete zvekuti sweetheart pafoni, ndicho chii ichocho?”

Violet anoti kuti izvi zvipere, anotoda kubatsirwa.

“Varume vawanda vanoda kundiroora asi ini wacho handidi. Kumwe kwandinofamba ndinonzi ndakanokorwa tsoka yekuruboshwe zvinova zvinokonzerawo maitiro angu aya,” anodaro Violet.

Anoti chikoro akagumira Fomu 4 uye mari yaanopihwa nezvikomba ndeyekudya chete nekutenga mbatya pasina chihombe chaanoita nayo.

“Mari iyi kuti nditenge chine musoro nayo hapana, kutenga mbatya nekudya chete nekugadzira musoro. Handiende kumahair dressers epasi pemuti, aiwa,” anodaro.

Vopa maonero avo pamusoro pezviri kuitwa naVilet, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti mudzimai uyu akaturikwa mweya wakaipa kwete kuti ane shavi renjuzu.

“Mweya wenjuzu haudaro, unoda hutsanana kwete zvekuwanza varume izvi,” vanodaro Sekuru Mutanga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>