Ndinochaiwa namadhamu’

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

MURUME samusha wekugara achirikitwa kurohwa nemudzimai wake anoti akazotiza pamba otya kupondwa.

Charles Chisipo akamhan’arira Daisy Kazombe kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza. “Mambo wangu, mukadzi uyu anondirova chaizvo uye kundituka. Izvozvi ndakabva pamba mushure mekunge andidzinga uye ndakatobva ndichityira upenyu hwangu.  “Asi zvino ndava kuda kudzokera nekuti ndipo pabasa pandinoshanda. Mambo wangu, ndanzwa nekurohwa uye kushaiswa mufaro nemukadzi uyu saka ngaabve zvake pamba apa,” anodaro Chisipo.

Achipawo divi rake, Kazombe anoti zvese zvinotaura nemurume wake manyepo.

“Zvese zvaatura manyepo, uyu murume wangu asi kana achida gwaro redziviriro mupei zvenyu,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chisipo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links