Uncategorized

‘NDINOCHENGETA MWEYA YEVANHU MUCHIDENDE’ . . . ‘WaJabulani unondiitira’ . . . ‘WaXhobizita unouraya’

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘NDINOCHENGETA MWEYA  YEVANHU MUCHIDENDE’ . . . ‘WaJabulani unondiitira’ . . . ‘WaXhobizita unouraya’ Sekuru Shumba vaine dende ravanoti rinotaura iro rinonzi rakaiswa mweya waJabulani

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki ari kugara mumusha weMufakose, muHarare, anoti ari kushandisa mweya yevanhu — vapenyu nevakafa — iyo anochengetera muchidende.

Anoti mumwe wemweya uri muchidende ichi ndewasahwira wake, uyo akafa kare, iye ndokumumutsa kumakuva.

Murume n’anga uyu anoti akamutsa mweya wasahwira wake, ndokuuisa mukadende — pamwe chete neyevamwe vanhu vapenyu.

Kadende aka kanonzi ndiko kanotaura nevanhu vanoenda kwaari vachida kubatsirwa.

Vanhu vaviri vapenyu avo vane mweya iri mukadende aka anoti havazive kuti ndizvo zvaari kushandisa mweya yavo.

VaRayton Munonoki (31) — avo vanozivikanwa saSekuru Shumba — vanoti mashandiro avanoita aya haana kuromba kana huroyi mukati.

Vanoti vakawirirana neaive shamwari yavo kuti kana iye akatanga kufa, vanozomutsa mweya wake voushandisa mukurapa uye kana ivo vakatanga kufa, iye aizotorawo mweya wavo kubva kumakuva, oushandisa mubasa rehun’anga.

Sekuru Shumba vanoti vari kushandisa mweya waJabulani Felawo Antonio uyo aiva wekuGorongosa, kuMozambique, uye akafa makore 15 adarika.

Sekuru Shumba vakabata kamba mbiri uye pamberi pavo paine matende matatu ayo vanoti vakaisa mweya yevanhu vatatu. — (Mifananidzo naTertia Makurumidze)

Vanoti sahwira wavo uyu akafa ave nemakore 57 okuberekwa.

“Ndakatanga kuita hun’anga ndiri mudiki zvikuru apo ndaidyidzana nasahwira wangu Jabulani Felawo Antonio uyo aigara kuMozambique zvekare aivawo n’anga. Ndaimubvakachira ikoko kunyangwe akanga ari mukuru kwandiri zvikuru.

“Mudzimu waiva panaJabulani neunosvika pandiri yakazowirirana kuti mitumbi yedu pane achatanga kufa, waizotorwa nemumwe wedu omutswa pamwe chete nemweya wacho, zvoshandiswa mukurapa. Izvi ndizvo zvandakaita ini, ndinoshandisa mweya nemutumbi waJabulani uyo ndakaisa mudende.

“Dende rinogara mweya waJabulani rinotonzi Jabulani uye anoshandira vanhu zvakanyanya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Dende rina Jabulani rinokandira kana kufembera, rinogona kutaura nemi (munyori uno) muchitobvunza zvamunoda ini ndisimo uye muchiwirirana. Kana muchida ndiite kuti Jabulani ataure nemi izvozvi, akuudzei zvekudzinza kwenyu kana newe musikana (kureva Tertia Makurumidze mutori wemufananidzo weKwayedza).

“Sahwira wangu uyu ndakamutora kumakuva uye anoita zvandinoda, haarambe. Hama dzake dzinozviziva kuti ndakamumutsa nekuti ivo hapana akada kutambira shavi rake.”

Sekuru Shumba vanoti mweya waJabulani haudi munhu anodeura ropa, asi zvimwe zvose unoitira munhu zvaanoda.

Munyori uno, pamwechete naMakurumidze, vakatya kutaura nekadende kanonzi kanotaura nevanhu aka.

N’anga iyi inoti kunze kwemweya waJabulani, inoshandisawo mamwe matende maviri ane mazita evanhu avo vane mweya yayakatora ikachengetwa imomo.

“Kunze kwaJabulani, ndine mimwe mudende inoti Dumisani naXhobizita avo vane mweya yandakatora kwakasiyana nekwandakatora waJabulani. Mweya yevaviri ava irimo muzvidende zvangu, ndakaitora kwavari vari vapenyu, kureva kuti ndinoshandisa mweya yavo vasingazive.

“Vane hasha vaviri ava, vanobata varoyi kana kuuraya vanouraya, fanika mweya wechikadzi Xhobizita. Ndiye akaipa manje,” inodaro n’anga iyi pasina kana kunyara. Sekuru Shumba vanotsenga-tsenga mukanwa apo vanobvunzwa neKwayedza kuti vanhu vane mweya yavari kushandisa iyi havana matambudziko avanosangana nawo here. N’anga iyi — iyo inoshanda iri pasi pesangano reZinatha — inoti kushandisa mweya yemunhu vakafa hauzi huroyi kana kuromba.

“Hausi huroyi, chibvumirano chatakaita nasahwira wangu kuti ndizoshandisa mweya wake. Pachirudzi chedu hapana mhosva apa, asi zvemimwe mweya yevapenyu avo zvimwewo.”

Sekuru Shumba vanoshandisa zvakare kamba mbiri mhenyu dzine mazita anoti Tisavengana inova hadzi naChinengozi inova hono.

“Kamba mbiri idzi dzinoshanda mabasa akasiyana, ndakadzitora kunyanza kuMozambique,” vanodaro.

Vopa maonero avo pamusoro pezviri kuitwa nen’anga iyi, Madzibaba Strive Masango vekuRugare, muHarare, vanoti hakuna hun’anga hunoshandisa mweya yevanhu vakafa kana vapenyu asi kuti uku kuroya.

“Hatigone kusiyana nenyaya dzehuroyi panoshandiswa mweya wemunhu akafa,” vanodaro. Asi Mbuya Alice Masoko Kwenda (66) vekuLochinvar, muHarare, vanoti havagone kushora mashandiro eimwe n’anga inoita zvechivanhu saivo.

“Kumutsa mweya wemunhu akafa kumakuva uchiushandisa huroyi chaihwo, asi kungoti mubasa redu haugone kushora mabasa emumwe iye ari chiremba. Iye ari kuita izvi ndiye anoziva zvaanozviitira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links