‘Ndinoda kumhanya seingwe’

29 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
‘Ndinoda kumhanya seingwe’ Ngoni Makusha

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wekumhanya — Ngoni Makusha — anoti achamhanya seingwe kumitambo ye2020 Tokyo Olympics iyo iri kuitirwa kuJapan nechishuwo chekusimudzira mureza wenyika yake.
Makusha mumwe wevatambi vashanu vari kumirira nyika kumitambo iyi uye ari kutarisirwa kutanga kukwikwidza nemusi weMugovera svondo rino.

Achitaura asati asimuka kuenda kuTokyo, Makusha anoti rutsigiro rwaange achiwana mukugadzirira kuenda kumitambo iyi rwumusunda kuti anosimudzira mureza wenyika.

“Ndine mufaro mukuru kusvika pandave pano, chishuwo chemunhu wese kusimudzira mureza wenyika yake achikwikwidza kumitambo mikuru yakaita semaOlympics. Ini ndakawaniswa mukana uyu, ndakagara mudenga rechinomwe.

“Handisi kuenda kungonozadzikisawo nekuita mitambo iyi chete asi ndinoda kuhwinawo. Chekutanga, ndiri kurwira kuti ndigobudirira kusvika kusemi-fainari yemutambo uyu. Kana ndasvika kusemi-fainari, hapana anozoviva zvinozotevera kumberi uko,” anodaro Makusha.

Rwendo rwake rwekuenda kuTokyo rwange rusiri nyore sezvo Makusha akaita gadziriro yakasimba.
Anoti kuti agare ane hutano hwakakodzera hunoita kuti muviri wake urambe uchimutendedza kukwikwidza, akasvika pakusiya chimwe chikafu chekudya uye kana nguva dzekurara chaidzo anotoshandura sezvo achifanira kuwana nguva yakakwana yekuzorora pamwe neyekuiita gadziriro dzake.

“Munoziva kuti uve nemuviri wakasimba chaizvo zvekukwikwidza, une chimwe chikafu chausingafanire kudya, wozoita zvimwe zvinwiwa zvekusanwa zvisingadiwe mumuviri. Zvose izvozvo zvinofarirwa nevamwe ini handitodye nekuti ndinenge ndichichengetedza muviri wangu ugogara uri padanho rekukwikwidza nguva dzose,” anodaro Makusha.

Mukukura kwake, Makusha anoti aiyemura zvikuru Brian Dzingai uyo akamirira nyika kumitambo ye2008 Beijing Olympics ndokupedza ari pechina mumujaho wemamita 200 uyo wakazohwiniwa naUsain bolt wekuJamaica.

Kumitambo yegore rino, Makusha achange achikwikwidza nedzimwe shasha dzekumhanya dzinosanganisira Andre de Grasse wekuCanada, Akani Simbine wekuSouth Africa, Zharnel Hughes wekuGreat Britain naYoshihide Kiryu wekuJapan.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>