‘Ndinoda kusimudza mureza weZim’

10 Jun, 2021 - 14:06 0 Views
‘Ndinoda kusimudza mureza weZim’

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemujaho wewiricheya iri kusimukira, Stella Jongwe (20), anoti chishuvo chake kusimudzira mureza weZimbabwe kuburikidza nekuhwina mitambo yakawanda pasi rose.

Jongwe, uyo anorairidzwa neimwe nyanzvi yemujaho ine mukurumbira — Wilson Nyakoko — akatanga kukwikwidza mumujaho uyu gore radarika izvo zvakamuona achihwina menduru yegoridhe kuGeorge, kuSouth Africa uye kubva ipapo haana kuzotarira kumashure.

“Ini semusikana wechidiki ari kungotanga munyaya dzemujaho, ndinoda chaizvo kuti ndisimudze mureza wenyika yangu kuburikidza nekunokwikwidza kunyika dzakasiyana ndichihwina.
“Kubva ndatanga kukwikwidza mumujaho wewiricheya, ndakwanisa kuhwina menduru yegoridhe kumujaho weOuteniqua Wheelchair Challenge kuGeorge,kuSouth Africa uyo unoitwa gore roga-roga uye ndikahwinawo mujaho weCBZ muHarare nekuBulawayo.

“Ndichiri kukura nekudzidza saka ndoda kuti ndisvike kure mumutambo uyu ndisimudze mureza wenyika yangu,” anodaro. Jongwe anoti haazvitarise kuti akaremara mitezo asi anozviona semunhu ane zvipo zvakawanda.

“Ndakazvarwa ndakaremara asi handidi kuti zvikanganise shuviro yangu yekuve munhu akanaka muhupenyu. Ini ndiri munhu ane zvipo zvakawanda saka ndiri kuzvishandisa kurakidza nyika nepasi rose kuti ndinogona kuita zvinongoitwa nevamwe vanhu vose.

“Chandinoda kuti ndisimudze mureza wenyika yangu izvo zvinongoshuvirwa nemunhu wose, kupembererwa nenyika yose kana munhu adadisa pane zvaanenge achiita,” anodaro Jongwe.

Pari zvino Jongwe anoti ari kushanda nesimba kuita gadziriro dzekuti gore rinotevera aende kunokwikwidza kumujaho weBoston Marathon uyo unoitwa gore rega rega kuUnited States of America.
Anoti ari kutsvaga rubatsiro kubva kuvakotsveri vangade kumusimudzira nekumutsvagirawo wiricheya yepamusoro yekuitisa gadziriro dzake uye yekuzoenda nayo kunokwikwidza kumujaho uyu.

“Munhu wese anokwikwidza mumijaho yakasiyana anotodawo kuenda kuBotson Marathon nekuti mujaho mukuru.

Ini kana mukana ukauya ndoda kuenda gore rinotevera saka apa ndiri kuita gadziriro dzangu ndichitsvaga vanokwanisa kundibatsira kana vanoda kushanda neni vandisimudzire.

“Iye zvino chandiri kuda kutsvagirwa wiricheya yepamusoro-soro yekuita gadziriro dzangu uye yekuzoenda nayo kunokwikwidza kumujaho uhu,” anodaro Jongwe.

Share This:

Sponsored Links