‘Ndinoda munda kuti ndirimire nyika’

05 Apr, 2023 - 22:04 0 Views
‘Ndinoda munda kuti ndirimire nyika’ VaJulias Njenda nemudzimai wavo Mai Marbel Bvindi Njenda vari mumunda wavo wechibage. Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI anogara kuRiverside, kuChitungwiza, nemhuri yake vari kuratidza chido chavo chekurima vachishandisa munda wepachivanze chavo nemimwe yavanotsvaga mumasitendi asati kuvakwa ikoko.

VaJulias Njenda (49) nemudzimai wavo, Mai Marbel Bvindi Njenda (48), vanoti vanorarama nekurima mbesa dzinosanganisira chibage, mbambaira, muriwo nemadomasi.

VaNjenda vanoti nemunda wavo mudiki iwoyo, vanokohwa zvinogutsa mhuri yavo uyewo zvimwe vachizotengesa.

“Ndinoshandisa nzvimbo diki yepasitendi pangu nekurima tumwewo tuminda tudiki twandinotsvaga pamasitendi aasati avakwa muno. Basa rekurima ndakaritanga makore manomwe akadarika, zviri kuraramisa mhuri yangu. Ini handishande asi mudzimai wangu ndiye mudzidzisi.

“Ndakarima mbambaira dzemhando yakasiyana uye ndine mihomba inodarika zana, tine chibage nemuriwo zvakare,” vanodaro VaNjenda.

Vanoti mbambaira dzavo vakadzirima munaZvita gore rakapera idzo vanotarisira kuzotanga kuchera mumwedzi waChikumi dzatanga dzarohwa nechando.

“Mbambaira dzandakarima itsvuku nechena idzo dzandava nemakore ndichirima. Ndinodya nemhuri yangu dzimwe ndichitengesa kune vamwe vari kunyika yeSouth Africa avo vandinombotumira kana vanoona basa rangu padandemutande reFacebook,” vanodaro VaNjenda.

Vanoti chibage vanorima vachikohwa chekudya nekuita hupfu uyewo chimwe vachitengesera vagari vemunzvimbo iyi.

VaJulias Njenda nemudzimai wavo Mai Marbel Bvindi Njenda vari mumunda wavo wembambaira. –
Mifananidzo naNicholas Bakili

“Basa rangu ndinoveza matombo rinova risiri kufamba zvakanaka mazuva ano. Ndinodawo munda wakakura uye dai ndaiuwana ungaite mahekita 60 kana kusvika zana kuti tirimire nyika,” vanodaro.

VaNjenda vanoti vakambonyorera kubazi rezveminda nekurima kuti vawane munda kuBeatrice, asi kusvika pari zvino hapana chati chafamba.

Mai Njenda vanoti chishuwo chavo ndechekuti kudai vawana munda mukuru sezvo vachidawo kuzochengeta zvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi, nenguruve.

“Ndinobatsirana nababa kurima panguva yandinobva kuchikoro. Tinorima zvirimwa zvose patuminda twedu tudiki.

“Tine vana vedu vaviri pano vanotibatsira kurima, tinoisa manyowa nefetiraiza mukurima kwedu, tichikohwa zvakawanda,” vanodaro Mai Njenda.

Mai Njenda vanokurudzira mamwe madzimai kubatana nevarume vavo mumabasa epamusha anounza budiriro mumhuri.

Share This:

Sponsored Links