
Abel Ndooka
MURAIRIDZI mutsva wechikwata chemaWarriors — Jairos Tapera — anoti hakuna munhu asingade kushandira nyika yake nekudaro achashanda nesimba kuti Zimbabwe ihwine mitambo yayo yekurwira kuenda ku2026 FIFA Men’s World Cup neCOSAFA Men’s Championships.
Svondo radarika, komiti yeZIFA Normalisation Committee yakagadza Tapera — uyo anorairidza Manica Diamonds FC muCastle Premiership — pachigaro chekumbofanorairidza maWarriors.
Izvi zvichamuona achirairidza mutambo wemaWarriors neSouth Africa uye neLesotho yekurwira kuenda ku2026 FIFA Men’s World Cup neCOSAFA Men’s Championship iyo ichatambwa masvondo anotevera.
Muhurukuro, Tapera anoti anogamuichira nemaoko maviri mukana waakapihwa wekushandira nyika yake.
“Ndiri kunzwa manyuku-nyuku nekuti ichi chiremerera chikuru chandakapihwa kuti ndigoshandira nyika yangu uye ndiri kunzwa kusundwa kuti ndinofanirwa kushanda nesimba tigobudirira mumitambo yatakatarisana nayo.
“Kana ukaona wadanwa kunzi huya ushandire nyika, unotofanirwa kumhanya nekuti pane zvinenge zvaonekwa pauri. Naizvozvo ini ndinoda chaizvo kushanda kuti tihwine mitambo yedu yatakatarisana nayo tigoenda kuWorld Cup,” anodaro.
Kunyangwe hazvo zviri kuzivikanwa kuti Tapera achangorairidza mitambo miviri iyi, muchinda uyu anoti kana zvikanzi atore basa iri zvachose anogona kuritambira.
“Chekutanga ndechekuti ini ndine basa randiri kushanda kuManica Diamonds saka kana nguva yasvika ndinoda kugara navo pasi toonesana ndichinzwa pfungwa dzavo uye ndogara pasi nemhuri yangu ndoionesawo ndichinzwawo pfungwa dzavo.
“Kubva ipapo tochironga kuti tofamba sei, danho randinozotora handifanire kuita zvangu ndega asi kutanga ndanzwa kubva kune vakawanda,” anodaro. Tapera achatanga kusangana nevatambi vemaWarriors kupera kwesvondo rino, asi achazopinda navo mukembi musi weSvondo kuSouth Africa uko vachaenda kunoita gadziriro dzavo.
Mutambo wekutanga wemaWarriors uriko svondo rinotevera musi weChishanu apo vachasangana neLesotho muGroup C uye wechipiri vachazotamba neSouth Africa nemusi wa11 Chikumi.
Parizvino maWarriors akagara pechishanu muboka rawo muGroup C aine zvibodzwa zviviri kubva pamitambo miviri yaakatamba izvo zvakamaona achiita mangange 1-1 neNigeria uye 0-0 neRwanda.
Nekuda kwekuti muZimbabwe hamusati mave nenhandare iri padanho rekutambirwa mitambo mikuru yenhabvu yeFIFA kana yeCAF, zviri kuona maWarriors achitambira mitambo yawo yese kunze kwenyika.
Mutambo wekutanga neNigeria uye neRwanda yese yakatambirwa kuRwanda.
Nyaya iyi iri kushungurudza vatsigiri vazhinji vemaWarriors avo vakataura neKwayedza vachiti hazvifadze kutadza kuona chikwata chavo chichitamba.
Mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, Adomsi Mukwasi, anoti ZIFA iri kufanirwa kugadzirisa nyaya dzayo kuitira kuti nyika isarambe ichisaririra panyaya dzenhabvu.
“Pakugadza kwakaitwa Jairos Tapera tinozvigamuchira hedu asi chiri kutirwadza kutadza kuona nyika yedu ichitamba. Chokwadi vatsigiri vangani vanokwanisa kukwira bhazi kana ingave ndege kuenda kuSouth Africa kunoona maWarriors achitamba ikoko?
“Hatingati tiri pamba isu tiri kuSouth Africa, hazviite izvozvo. Tinokumbira kuti kudai nyaya dzenhandare dzagadziriswa nekuchimbidza,” anodaro Mukwasi.
Mumwe mutsigiri wenhabvu – Austin Chipfigo – anoti zvakakosha kuti nyika yose ibatane mukutsigira Tapera mubasa rake kuitira kuti chikwata chake chigobudirira mumitambo yachakatarisana nayo.
“Tapera anofanirwa kupihwa zvikwanisiro zvekuti anyatsoshande basa rake akasununguka uye agonohwina mitambo yatakatarisana nayo. Tinofanirwa tose kubatana kumutsigira basa rake riende mberi chikwata chedu chihwine nyika ifare.
“Asi tinochema kuti nyaya yenhandare ngaigadziriswe tinge tichionawo nyika yedu ichitambira muno, izvezvi tave nemitambo yakawanda yatatadza kuona tisina nhandare. Mitambo yese iri kungotambirwa kunze kwenyika,” anodaro Chipfigo.