Uncategorized

‘ndinodaidza nyoka nemuridzo’

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
‘ndinodaidza nyoka nemuridzo’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wekwaNerutanga, kwaNyashanu, mudunhu reBuhera, ari kuita mashura nezviratidzo – anoshevedza nyoka nemuridzo kana nemheterwa dzichiuya kwaari.

Hazvina basa kuti inyoka dzaani — kana dzevaroyi anodzishevedza kubva padzinenge dzakachengetwa dzichiuya.

Mbuya Fatima Ndlovu (42), avo vagere mubhuku raMupfigi uye vari n’anga, vanoti vakatanga huchiremba vachiri mwana mudiki.

“Ini handinyare kutaura nezvazvo nekuti iri ishavi, ndiri n’anga. Ndine shavi remadzitateguru angu, zvakangouya zvoga pasina kuzvikumbira.

“Ndinoshevedza nyoka nemheterwa kana nemuridzo dzichiuya, kutobuda mungava mumatura, mudzimba, mumapako, nemumwe umo dzinochengetwa nevaroyi,” vanodaro.

Mbuya Fatima Ndlovu

Vanoenderera mberi vachiti, “Imo muno muBuhera vanozviziva kana pari pakuranga varoyi. Nguva pfupi yakadarika ndakaenda kuRowa, kwaMutare, ndikasvikotanga kubatsira imwe mhuri apo pachivanze paiva nekeji yainzi yaigara imbwa. Ndave kuita basa, makazobuda bere nenyoka ndaridza mheterwa.

“Muridzo kana mheterwa inoridzwa nemudzimu kana kuti shavi rinosvika pandiri. Muridzo wacho une simba nemutsindo wakanyanya uye unosvosva kana kutyisa nyoka, zvidhoma kana nyanga dzinoshandiswa nevaroyi. Zvose zvinoshevedzwa zvichibuda kubva pazvinenge zvakahwanda, ini ndozvibaya nepfumo kana gano rasekuru nambuya vanosvika pandiri,” vanodaro Mbuya Ndlovu.

Paakasvikirwa nevatori venhau svondo rapera, mudzimai uyu akatora nguva yakareba achiramba kutaura neKwayedza achityira kuti haana matsamba akakwana ekunyoreswa zviri pamutemo kuti aite basa rekurapa nekubatsira vanhu.

Zvisinei, Mbuya Ndlovu havana kukwanisa kushevedza nyoka idzi nemuridzo kuti Kwayedza izvionere sezvo vachiti zvinoitika chete kana vachinge vabatwa neshavi rehun’anga.

Asi mumwe murume uyo akaramba kudurwa zita rake anoti akambosvika Mbuya Ndlovu vachibatsira vamwe vanhu apo vakashevedza nyoka mugomo dzikadzika ndokusvikotanga kudya mazai pane mumwe musha.

“Ndakazvionera apo nyoka dzakaridzirwa mheterwa dzikadzika gomo dzakasimudza misoro ndokusvikomira dzava pamberi pavo. Dzakazobva ndokupinda muzumbu repamusha apa umo dzakadya mazai ehuku ndokuzoshevedzwa zvakare dzikabva dzauraiwa dzikapiswa tichiona,” anodaro murume uyu.

Mbuya Ndlovu vanotiwo vanobatsira pakuranga mbavha dzinobira vanhu zvinhu zvakaita semombe, huku nezvimwe.

“Mbavha kana yaba haiteverwe kana kuifudza kuti yaenda kupi, tinongoita chivanhu. Kunyange akauraya mombe yacho kana zvimwe zvipfuyo izvi, anochiona.

“Semombe, mbavha dzacho dzinotungwa dzichitoona mombe dzacho mumaziso adzo asi vamwe vanhu vasina chavanoona. Kana dziri huku, dzinokukuridza mudumbu kana iye kupara sehuku kana kukukuridza uye vamwe vanozvimba matumbu,” vanodaro Mbuya Ndlovu.

Mutongi Maushe — Mifananidzo naNicholas Bakili

N’anga iyi inoti pane dzimwe nguva inomborwiswa nenyoka kana zvidhoma nezvimwe zvainoshevedza nemheterwa zvekuti inotombokuvadzwa.

“Pane dzimwe nguva dzandinokuvadzwa ndichirwisana nezvinhu izvi, zvinotoda kuti unge wakachena. Semunhu anoenda kwakasiyana sekuMozambique ndichinoita basa, unototanga wakwira mumakomo kunokumbira vadzimu kuti vakutungamirire,” vanodaro.

Mbuya Ndlovu kumusha kwavo vanobva kwaSabhuku Makanyezi, kuZhombe, uye vakaroorwa naVaMutongi Maushe (46) avo vavaine vana vanonwe navo.

VaMaushe vanoti kunyange ivo vasiri n’anga, havavhunduke nekuda kwebasa remudzimai wavo zvisinei kuti zvimwe zvacho zvinotyisa.

“Ibasa rakabva kuvadzimu vavo, saka ini hapana chandinotya. Ndinongotevedza zvinodiwa, ndinoona chokwadi vachishevedza nyoka dzevaroyi nezvimwe zvinouya zvichimhanya, zvichizouraiwa,” vanodaro.

Vachitaura pamusoro pemukadzi n’anga uyu, imwe nyanzvi yezvechivanhu — Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza — vanoti hapana chinoshamisa pane zviri kuitwa nen’anga iyi.

“Ambuya vekuBuhera ava ngavarambe vakadaro, zvinoratidza kuti simba remasvikiro revanhu vatema richiriko, tinodada naro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links