Ndinodawo murume ini

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MAKASIMBA here tete? Ini ndiri mukadzi ane makore 26 ekuzvarwa. Dambudziko rangu nderekuti ndaroorwa kanokwana kuita katatu. Ndikati ndifambe ndizvibvunzewo ndiri kungonzi ndine mudzimu.

Ndakamboedza kuti nditaure nehanzvadzi dzangu kuti ndibatsirwe asi vari kuramba vachiti havadi zvemudzimu.

Vabereki vose vakafa saka ndava kukumbirawo rubatsiro rwenyu tete.

Ini ndiri kuda zvemurume ini.

Prisca Kandimire.

Chivhu.

MHINDURO:

Dambudziko rako rinorwadza chaizvo muzukuru nekuti vanhu vanofarira kushandisa nherera kazhinji kana vabereki vafa.

Unogona kunge usina mudzimu asi kutoti unenge wakateketererwa kuti usafe wakaroorwa.

Zano randingakupa nderekuti iwe chirarama uri muchechi dzemweya mutsvene. Ukaita izvi dambudziko rako rinopera ukatokanganwa.

Usabate-bate mishonga nekuti mangwana zvinozokunetsa ukashaya anokubatsira kuzvipedza.

Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey