Ndinofarira Man U: Hadebe

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Ndinofarira  Man U: Hadebe Teenage Hadebe

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neYeni Malatyaspor yekuTurkey, Teenage Hadebe, anoti shuviro yake kuti agotamba mumakwikwi eUEFA Champions League uye nekuzotambira Manchester United mune remangwana.

Hadebe mumwe wevatambi vemaWarriors vanotambira nhabvu yavo kuEurope uko akatanga kutambira mwaka uno achibva kuKaizer Chiefs yekuSouth Africa.

Kuenda kwaakaita achinotambira kuTurkey, mutambi uyu akabva aita chizvarwa chemuZimbabwe chechipiri kutamba nhabvu kuTurkey Super Lig, achitevera matsimba aNorman Mapeza uyo akambotambira Galatasaray inove chimwe chezvikwata zvikuru kunyika iyi.

Achitaura neKwayedza nemusi weChishanu chadarika apo maWarriors akaita mangange 0-0 neBotswana kunhandare yeNational Sports Stadium, Hadebe anoti agadzikana kuYeni Malatyaspor.

“Ndiri kufara chaizvo nemafambiro ari kuita hupenyu kuTurkey. Ndakatambirwa zvakanaka zvikuru kuchikwata changu uye ndoda kuramba ndichisimukira ndiriko kusvika ndave kutamba mumakwikwi eUEFA Champions League. Uyu mutambo unotambwa nezvikwata zvikuru nevatambi vakuru ndimo mavanotamba, saka iniwo ndoda kumutambawo neYeni Malatyaspor,” anodaro.

Anoti achazvipa makore matatu achitamba kuTurkey uye kana adarika shuviro yake kuenda kunotambira kuEngland.

“Ndichazvipa makore matatu ndiri kuYeni Malatyaspor ndichinyatsobikwa ndichijairirawo muEurope ndochimbonotambira kune imwe nyika. Kana zvikafamba zvakanaka ndoda kuzotambira Manchester United nekuti ndicho chikwata changu chandinotsigira pasi rose. Izvezvi Manchester United zvinhu hazvisi kuifambira zvakanaka asi ndoshuvira kuzoitambira mune ramangwana,” anodaro Hadebe.

Makwikwi eUEFA Champions League ndeemitambo mikuru inoteverwa pasi rose nezvikwata zvikuru zvekuEurope zvinosanganisira Liverpool, Barcelona, Real Madrid, Bayern Munich, Paris Saint-Germain, Juventus uye nevatambi vanoti Cristiano Ronaldo, Lionel Messi, Robert Lewandoswki, Kylian Mbappe, Mohamed Salah, Sadio Mane naRiyad Mahrez.

Mutambi wenhabvu wekupedzisira kubva muZimbabwe kutambawo muUEFA Champions League ndiMarvelous Nakamba uyo akambotambamo gore radarika achiri kuClub Brugge yekuBelgium.

Hadebe anoti Nakamba muenzaniso wakanaka kwaari nevamwe vatambi venhabvu vakawanda vemuno uye vazhinji vanoshuvira kusvika paave.

“Kwatiri sevatambi venhabvu, Nakamba muenzaniso wakanaka uye tese tinodawo kusvika paave. Tinoshuvirawo kuzotambirawo muEngland nerimwe zuva tichitevera matsimba ake,” anodaro Hadebe.

Kusvika parizvino muSuper Lig, Yeni Malatyaspor yatamba mitambo 11 uye Hadebe akwanisa kutamba mitambo misere uye akavhoterwa kuve muchikwata chemwedzi waGumiguru.

Anoti chiremera ichi chinorakidza kuti ari kufamba mugwara chairo kuTurkey nekudaro acharamba achishanda nesimba.

“Kubva ndaenda kuTurkey, ndakambopinda muchikwata chakatamba nhabvu chaive chiri muTeam of the week uye ndikazopinda muTeam of the month yaGumiguru. Zvinorakidza kuti ndiri kutamba zvinonwisa mvura uye ndiri kufamba mugwara chairo,” anodaro.

Muchinda uyu ari muchikwata chemaWarriors icho chiri kurwira kuenda kumutambo we2021 Africa Cup of Nations.

Akatanga kusarudzwa kuti atambire mumakwikwi aya mugore ra2017 asi haana kutamba kana mutambo mumwechete.

Hadebe akazodzokera kuAfcon gore rino kuEgpyt uko akatamba mumutambo wekutanga achimaka Mohamed Salah.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>