Ndinofukunura makuva ndichirasa zvitunha’

26 Nov, 2024 - 10:11 0 Views
Ndinofukunura makuva ndichirasa zvitunha’
Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 32 okuberekwa anogara kuZvimba East — uyo anozviti anoshandira imwe kambani inoviga vafi — anoti anotumwa kufukunura makuva manheru obvisa mutumbi yacho iyo anozokanda mudhamu nekumwe kwakasiyana kuitira kuti vawane pekuviga vamwe vanhu sezvo nzvimbo yekuchera makuva matsva yave kupera.
Tinashe Chiguma anoti parizvino ave nedambudziko rekuona zvitunha izvo zvinomuruma-ruma muviri wese nekumubaya padumbu rinova dambudziko rakonzera kuti atize pamba nekudaro ave kugara musango nekudzimba dzevamwe vanhu.
Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi inofanirwa kufeewa nekukasika sezvo paine mhosva huru iri kuparwa.
“Inyaya yatava kutanga kufeya izvozvi tione mafambiro  ezvinhu izvi. Tinorumbidza kushanda kwenyu vatori venhau  nekuburitsa zvinhu zvakavandika kudai,” vanodaro Comm Nyathi.
Kwayedza yakazama kutaura nemuridzi wenzvimbo yemakuva inovigwa vanhu iyi asi haana kubatika.
Muhurukuro, Chiguma anoti dambudziko rekurumwa-rumwa nezvitunha iri rakatanga apo akapedza makore anodarika mashanu achifukunura zvitunha zvinenge zvavigwa achinorasa musango nekupotsera mudhamu, munzizi, mumigero nekusiya zvimwe zvichidyiwa nembwa vachizotengesa makuva avabvisa zvitunha izvi kuvanhu vatsva.
“Ndaona nhamo nekurumwa nezvitunha zvevanhu vandinofukura mumakuva ndichinorasa. Pamakore anodarika mashanu andakashanda pamakuva apa, ndakafukunura zvitunha zvinodarika 40 zvevarume nevakadzi ndichinorasa kunzvimbo dzakasiyana, kusanganisira kudhamu nemumigero. Izvozvi chimwe chitunha chen’anga chakandiruma ruoko rwekuruboshwe ndiri kugara ndichibuda ropa,” anodaro Chiguma.
Anoti anofukunura zvitunha izvi mushure mekutumwa nemuridzi wekambani inotengesa makuva iyi kuitira kuti vawane pekuvigira vamwe vanhu sezvo nzvimbo yekuchera makuva matsva yave diki.
“Ndaitaridzwa makuva ekuzofukunura usiku sezvo ndaigara paimba yemumakuva umu. Usiku kuma10 kana 11, ndomuka ndofukunura makuva andataridzwa ndotema-tema zvitunha izvi imwe nguva kudambura musoro chaiko nedzimwe nhengo kuita zvidimbu ndoisa musaga, ndinozoshandisa bhara kunorasa mitumbi iyi kudhamu kana kumigero yeko nedzimwe nzvimbo dzakasiyana,” anodaro Chiguma.
Anoti pakufukunura guva rimwechete achibvisa chitunha, anopihwa US$15.
“Pakati pezvimwe zvitunha zvandakafukura, chimwe chacho ndecheimwe n’anga yakavigwa nehari, tsono, mapakatwa, mbiya, zvuma, ngundu nezvimwe. Ndakatora mutumbi wayo ndikanokanda mudhamu iri nezvombo zvebasa rayo ndikazvirasa zvakare,” anodaro Chiguma.
Anoti zvimwe zvitunha anorasa musango zvodyiwa nembwa akazvisungirira mumasaga akanda mukati mezvuru.
Kwayedza yakanoratidzwa chimwe chezvisaga icho Chiguma anoti chaiva nechitunha mukati chiri muchuru.
“Handisisina rugare nezvitunha izvi, ndakatiza paimba yepabasa ndava kuvingwa nezvitunha izvi. Ndikaenda kumba, zvainditevera zvakare ndikatiza kusvikira ndava kugara panzvimbo yemabhizimisi yekwedu. Izvozvi ndakatiza kunogara nevamwe amai kuFederation kuDZ Extension,” anodaro Chiguma.
Chiguma anoti anonyanya kufukunura mitumbi inovigwa isina mabhokisi sezvo iri nyore kuvhomora mugomba.
Mai Priscilla Kativhu (60) vane pamba pakatizira Chiguma vanoti murume uyu haarare achitaura kuti ari kuona vanhu vanouya vachimuruma.
Amai VaChiguma, Mai Molly Takavanda (50),  vakatsinhirawo dambudziko remwana wavo iri.

Share This:

Sponsored Links