Ndinoita sendine moto mumuviri

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Bvunza Kwayedza na Sekuru Mutanga—

MUBVUNZO:

Makadini Sekuru? Ini ndaita dambudziko rava nenguva yakareba. Dambudziko rangu ndeiri; ndinonzwa kutsva kumusana nechemuchiuno, ndichiita kunge mune chitsiga chemoto chinofamba, chouya kumativi kwembabvu. Zvikauya mumapendekete ndinonzwa kunge ndakatakudzwa zidombo, ndoremerwa zvekushaya simba. Ndibatsireiwo Sekuru ndashaya zano. Ndakambofamba kuzvipatara asi hapana rubatsiro rwandakawana, zvose nekun’anga nekumaporofita.

Mhinduro:

Iwewe muzukuru nevamwe vangadaro vaine marwadzo akafanana neako – ringava vhunze remoto riri kufamba mumuviri kana kuti mabayo, ndinoti izvi zviriko. Vamwe vangatonzwe sekunge vane chinhu chiri kufamba mumuviri, chinogona kunge chichifamba chichikubaya, kana kuita mabayo anoti akabaya uku, onobaya uko. Dzimweni dzenguva unonzwa mudumbu kana wave kufufutirwa, vamwe vanonzwa chichipinda mumusoro kunge matambo kana kunge wava kubuda ropa mukanwa nemumhuno. Vamwe vanoita dzungu kana chiveve.

Kana muchimboenda kuzvipatara muchinotsvaga rubatsiro, asi zvichiramba kupera, ndinokurudzira kuti mukasake kutsvaga rubatsiro kuchivanhu nekuti marwadzo erwudzi urwu anogona kukonzerwa nekuroyiwa. Kuroyiwa kwacho kunouya nenzira dzakasiyana sechitsinga, kudzingirirwa kuhope, kana kusairirwa mweya unenge uchikubaya sezvipotswa.

Vamwe vanenge vakanokorwa tsoka, kutorerwa shinda dzehembe izvo zvinogadzirwa nemishonga.

Nyaya dzekuroyiwa dzinowanzoda kurapwa muchivanhu kwete kumachiremba ekuzvipatara. Naizvozvo ndinokukurudzira iwe muzukuru kuti ubatsirwe muchivanhu. Kana usina kwaunoziva, bvunza vamwe vechikuru vaugere navo uye vaunovimba navo kuti vakuudze kwekuenda. Unogona kuenda kumahofisi eZinatha ari pedyo newe uko unoratidzwa kune vanokubatsira.

Asisika muzukuru, usatange nekungofungira kuroyiwa. Wadii watanga wambodzokerazve kuchipatara kuitira kuti ive neidi rekuti zviri kukurwadza chivanhu? Ukaita izvi unobatsirika nyore.

 

. Bvunza Kwayedza pa: 0775 421 949 kana 0715 942 183

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Instagram: @sekuruelishamutanga_official

Twitter: @sekuruelishamutanga

Share This:

Sponsored Links