Ndinoita zvekurotswa: Muimbi

21 Sep, 2022 - 10:09 0 Views
Ndinoita zvekurotswa: Muimbi Gladys Makoni-Nyamusara

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero ari kusimukira – Gladys Makoni-Nyamusara – anoti nziyo dzaanoimba pamwe nekutsikisa kazhinji anoita dzekurota.

Makoni-Nyamusara anoti asati atanga kutsikisa mimhanzi, airota hope dzake asi aisazvitevedza izvo zvakazoona upenyu hwake huchisangana nematambudziko anosanganisira kubirwa nemakororo aive akapakata pfuti nemapanga mugore ra2019 uye kupinda mutsaona muna2020.

“Ini ndinorota nziyo uye pandakatanga kurota mimhanzi iyi, ndaiti hameno zvimwe zviri kuitika ndichishaya hanya nazvo. Asi pandakazosangana nematambudziko muupenyu hwangu apo ndakaita tsaona uye kubirwa nematsotsi ainge akapakata pfuti nemapanga, mufundisi wangu akandishevedza akandinamatira ndokundiudza kuti ndiri kugarira chipo chiri mandiri uye handisi kuterera zvandiri kutumwa kunzi ndiite naMwari,” anodaro.

“Mwari vanouya kwatiri nenzira dzakasiyana, dzimwe nguva tinotumwa kuhope chaiko. Saka kana usinganzwisise tsvaga anokwanisa kukubatsira odudzira hope dzaunenge uchisangana nadzo.

“Zvakakosha kuti vanhu titerere Mwari nguva dzose zvavanenge vachitaura nesu vachitituma kuita mabasa akasiyana uye ngatibvume kutumwa navo kuita basa ravo rekuparidzira kunyika yose.”
Makoni-Nyamusara anoti donzvo rake kubatsira vamwe vaimbi nevanhu vakasiyana.

“Handidi kuona vamwe vanhu vachisangana nezvandakasangana nazvo saka ndave kutofamba ndichidzidzisa vanhu ndichivaparidzira kuti vagone kuterera izwi raMwari parinenge richitaura nesu richitituma kuita mabasa akasiyana.

Gladys Makoni-Nyamusara

“Mwari vanotaura nesu uye vanotituma kuita basa ravo asi dzimweni dzenguva hatisi kuita basa iri tozopedzisira tasangana nematambudziko nekuti tinenge tichikoshesa zvinhu zvepanyika pano zvisinei nebasa raMwari. Ngatitungamidzei basa raMwari pamberi nguva dzose,” anodaro.

Kubva Makoni-Nyamusara atanga kutsikisa nziyo, muimbi uyu aparura madambarefu maviri anoti Jesu Chimoto (2020) uye naNdibatsirei Baba (2022).

Akwanisa zvakare kushanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Kudzi Nyakudya uyo akaimba naye pakambo kanonzi Ndibatsirei Baba uye naTrymore Bande pakambo kanonzi Ndakwana Nazvose.

Anoti iye zvino ari mushishi yekubika dambarefu rake rechitatu iro anotarisira kuzoburitsa gore rinotevera.

Share This:

Sponsored Links