‘Ndinokwapaidzwa nemukadzi wangu’

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views
‘Ndinokwapaidzwa nemukadzi wangu’

Kwayedza

court
Sandy Musungata

MURUME wekuzvambaradzwa nemudzimai wake mushure mekunge amubvunza nyaya yezvikomba, uyo waanoti anorara zvakare akaisa matombo ekumutemesa pasi pepiro, akapotera kudare achida gwaro redziviriro. Kudzai Murwira akazvuvira mukadzi wake, Lydia Nhende, kuHarare Civil Court achiti anopota achiunza zvikomba pamba omurwisa kana amubvunza nezvazvo.

“Changamire, mudzimai wangu anounza zvikomba pamba pangu ndiri kubasa. Pandakazomubvunza ndakademba chandakazviitira nekuti akabva andiruma ndikatonorara kuChinhoyi Hospital ndichirapwa,” akadaro Murwira.

“Iko zvino ava kuita tsika yekurara nematombo mumagumbeze achida kunditema achiti ndibve pamba. Akatondityisidzira achiti ukasabva uchafira pano. Akaendesa mwana kumusha kwavo ndisingazivi uye ndinofunga akazviitira kuti asununguke kuita zvechipfambi chake pamba pangu,” akadaro Murwira.

Nhende akapikisana naMurwira achiti anongomufungira kuti anoita zvechipfambi nechikonzero chekuti anoshandira kure.

“Murume wangu ari kungoita zvinhu zvekufungira. Anogoti ndine zvikomba akambozviona here iye asipo? Iye paakanditi ndibve pamba ndipo pandakaramba ndichiti ndiye angatobva kwete ini, iye ava kuti ndini ndiri kumudzinga,” akadaro Nhende.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Murwira asi akati Nhende haakwanise kuti adzingwe pamba sezvo achiri mukadzi wake.

Share This:

Sponsored Links