Kwayedza

‘NDINOMUDYISA TSVINA YANGU’…‘Nyoro kana yakaomeswa’

Mukadzi wekuZvikuku

Kingstone Mapupu
“TINODYISA varume chikafu chatinosanganisa netsvina yedu — nyoro kana yakaomeswa. Ndiyo ‘spice’ yacho.”

Varume vasingade kudarikwa nemarokwe kana vaye vanoita barika kana vanodya ku”small house” hokoyo!

Kune vakadzi vanoti vanodyisa varume tsvina yavo nechinangwa chekuti vapihwe “mazirudo” kana kuti vagovapa mari yakawanda nezvimwe zvavanoda.

Mumwe wevakadzi vanodyisa varume tsvina yavo ari kurondedzera zvinoitwa kuti murume amude, kuti amupe mari kana kuti apote orara kumba kwake.

Mukadzi ari pavhidhiyo ratiinaro iro riri kutenderera haabude pachena kuti akaroorwa, ndinyachide pabarika here, i”small house” here kana kuti anoita zvekutengesa muviri.

“Zvatinoita isisu madzimai kana kuti vasikana vekuZvikuku, tinodaiso if we see kuti unobuda bag sitereki, we dont want you to leave zvekumhanya. So we take mamwe ma-measures eku, eku . . . muchikafu chaunodya, you know zvinhu zvingori silly you know . . . kana kungodzumburudza kunhasin’eni uku and then tokuisira mu-drink wonwa, kana kuita tsvina yako and then woiomesa, woikuya kuya yoita kunge spice and then woisanganisa nemamwe ma-spice sana. . . (achidoma mdando dzegodzamuto dzinozivikanwa), and then wotora woisa muchikafu chanaDhewa, vanaShumba, vanaNcube kana kuti vanaMbeva vaye. Ndozvatinoita kuti (varume) vadzoke futi.

“Ukaona ava (murume) kudzoka, ziva kuti zvashanda, ukaona ava kurara, ziva kuti zvashandisisa sitereki. That’s what we do hedu, ndomararamiro edu hapana zvimwe zvatingaite,” anodaro mukadzi wechidiki uyo asina kupa zita rake.

Tsvina yemunhu — kunyangwe zvazvo ichisemesa — inonzi inoshandiswa zvakawanda zvinosanganisira kupfuhwira, kutandira ngozi uye dzimwe mbavha kana dzaba, dzinosiya dzaita tsvina kuitira kuti dzisabatwe nemapurisa.

Mudzimai ari muvhidhiyo rine Kwayedza anotaura nerurimi rweChiShona rwakatsetseka achidura kuti iye nevamwe vake vanoshandisa tsvina yavo kugadzira mupfuhwira uyo vanopa zvikomba kana varume vavo nechinangwa chekuvakwezva kuti vavape rudo.

“Isu madzimai kana vasikana vekuZvikuku tinoda bhegi sitereki. Tinodzumburudza kunhasin’eni kwedu, totora mvura iyo tinonwisa varume takaisanganisa nechinwiwa. Kana kutora tsvina yedu chaiyo toiomesa, tozoikuya tovadyisa iri muchikafu ivo vanaDhehwa, vanaShumba, vanaMbeva navanaMancube.

“Tinoisanganisa nemasipaisi muchikafu imomo. Ukaona murume ava kudzoka uye ave kurara-rara, ziva kuti zvashanda. Ndiwo mararamiro edu, hapana zvatingazviitewo,” anodaro mukadzi uyu.

Kwayedza haisati yaziva nzvimbo yaaitaura mukadzi uyu ari.

Zvichakadai, nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti tsvina yemunhu inoshandiswa mabasa akasiyana ane kushereketa mukati.

Vobvunzwa pamusoro penyaya iyi, Mbuya Alice Masoko Kwenda (61) avo vanogara kuLochnvar, muHarare, vanoshora n’anga nemaporofita vanopa vanhu — vose varume nevakadzi — mipfuhwira yakadai.

“Uko hakusi kurapa asi huroyi. Isuwo madzimai ngatisiyanei nekuda kudiwa patisingadiwe, tsvina yemunhu haidyiwe. Zvino kana wave kuidyisa waunoti mudiwa wako pachine rudo here ipapa?

“Tinonzwa kuti matsotsi kana vakaba, vanosiya vaitira tsvina pavaba ipapo kuitira kuti vasasungwe. Saka tsvina yemunhu inoshandiswa zvinhu zvakasiyana izvo zvisina kunaka,” vanodaro.

Vanoti tsvina yemunhu inogona kusanganiswa nemishonga, yosevenzeswa kutandira ngozi.

“Pamusha pakanetsa nengozi uye kana pave kuda kutandirwa mweya uyu, vemhuri yanetswa nengozi vanoenda kusango vonotsvaga tsvina yemunhu wavasingazive vaine n’anga. Vanotora tsvina iyoyo voshandisirwa mishonga yekutandira vachitaura zita remunhu ane ngozi uyu.

“Vanomuudza kuti takusiya pano iwe ngozi nhingi, usare ugare pano setsvina iyi, ndiwo mukonde wako mbuva saka usazobva pano. Ngozi iyi inosara ipapo uye pakazowana anodarika nepo, inobva yamutevera.

“Asi ngozi yaitwa izvi haipere zvachose, inozodzoka zvayo kuvanhu vakaponda nekufamba kwenguva,” vanodaro.

Madzibaba Bond vekuChitungwiza vanoti kune mipfuhwira yakanaka neyakaipa.

 

“Mipfuhwira yagara iriko, isu tinoshandisa mipfuhwira yemiteuro nenhombo izvo zvinonoiswa muchikafu chanababa kana chanaamai kana kuisa mukudya kunopihwa mhuri yose kana pari paruzhinji. Iriko mipfuhwira yekudzikamisa misha kuti vanhu vasagare vachinetsana,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Kamwelo Banda vekuCranborne, muHarare, vanoti kune mhando dzemipfuhwira dzakawanda.

“Dziriko n’anga nemaporofita vanopa vanhu mishonga isiriyo, kusanganisira iyo mipfuhwira yetsvina yevanhu iyi. Tsvina yose inobva pamadzimai yakadai seweti, mvura yavanogeza kusikarudzi nemabori chaiwo zvinoshandiswa semupfuhwira.

“Kune vamwe vanopara man’a nekupisa vhudzi ravo rekusikarudzi neremumusoro zvosanganiswa zvichizoshandiswa semupfuhwira,” vanodaro.

Sekuru Banda vanoti kune vamwe vanhukadzi vanotora tsvina yembwanana dzisati dzasvinura, iyo inoomeswa yozosanganiswa nezvekudya zvinopihwa varume.

Vanoti varume vanenge vadyiswa mupfuhwira werudzi urwu vanopedzisira votevera madzimai avo kana kuti shamwarikadzi sekutevera kunoita tumbwanana varidzi vatwo.

“Zvose izvi zvinonyanya kuitwa nevakadzi zvisineiwo kuti kune varume vanozviitawo. Asi tinoti huroyi huri pachena nekuti kune vamwe vanhu vakatoramba basa vave kuda kunogara padyo nevakadzi vanenge vavadyisa mupfuhwira. Asi, pekupedzisira mimwe mipfuhwira inopanduka varume vachitofa kana kupenga chaiko motoona vave kufamba vachivhura mabhini,” vanodaro.

Vanoti mamwe madzimai anotora machira avanoshandisa panguva yekutevera kana kuti avanoshandisa pavanosangana nababa, voasanganisa nekudya uko kunopihwa vanababa.

“Mamwe emadzimai aya vanotora miswe yerwaivhi vobairira netsono pajira paine mishonga inoiswa uye zvinoiswa zvose mukudya kunozopihwa varume,” vanodaro.