Uncategorized

‘Ndinopa juju yerudo’….mishonga inosimbisa misana

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Ndinopa juju yerudo’….mishonga inosimbisa misana Gogo Mukwapura vachitengesa mimwe mishonga yemusana pakati peguta reHarare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHEMBERE yekwaSeke inoti iri kupura mari zvekusvika pakuzvitengera motokari yerudzi rwekombi nekutengesa mushonga unosimbisa musana nekumutsiridza rudo mudzimba.

Mbuya ava vanoti mushonga wavanodaidza kuti “mukwapura” uri kumhanyirirwa zvose nevarume nevakadzi vemazera ose avo vanenge vachida kusimbisa misana nekumutsiridza rudo.

Kombi yakatenga nemari yemukwapura yakatonyorwa nyorwa kuti “Mukwapura”.

Kunze kwemushonga wekusimbisa musana, Mbuya Svorai Mugondachako (52), avo vanogara kwaZiko, vanoti vanouchika vakadzi nevarume vane dambudziko rekushaya mbereko – izvo zvinova zvimwe zvezvikonzero zvinopedza rudo pakati pevanodanana.

“Mota iyi ndakaitenga iro gore rino nemari yandinowana nemishonga yekusimbisa misana. Vose – varume nevakadzi vemazera ose – vari kuufarira mukwapura. Unongonzwa, ‘Mbuya ndipei mukwapura’,” vanodaro Mbuya Mugondachako.

Vanoti pazuva vari kutengesa chipo chemadhiramu maviri emushonga wekusimbisa musana uyo wavanotakura nekombi yavo “Mukwapura”.

MuHarare nekuChitungwiza, chembere inozviti yasimbaradza rudo mudzimba dzakawanda iyi inoonekwa yakawaridza mishonga kunzvimbo dzakaita sekuCopacabana nekunoungana vanhu vachitengesa kana kukwirira mabhazi.

Mbuya Mugondachako – avo kumusha vanobva kuChecheche, kuChipinge – vave kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Gogo Mukwapura nekuda kwe”juju” yavanopa kune vanoda kupakura “mazirudo” iyi.

“Ini ndiri murapi wechivanhu akanyoresa pasi pesangano reZinatha, asi ndakarerekera kunyaya dzezvemishonga yemusana. Ndakwanisa kumisa dzimba dzinodarika 500 kuburikidza nemishonga yangu yemukwapura.

“Ndakaona kuti dzimba zhinji dziri kuparara nenyaya yekusagutsana mumba sekupera simba kana kutoramba bonde uko kunoitwa nemadzimai nevarume. Vamwe vanozviita nekuda kwehurwere kana kukura,” vanodaro.

Ivo, zvisinei nezera ravo, vanoti vanoshandisawo mukwapura – “ini nasekuru zvichitotifambira”.

“Murume wangu haatombonyunyuti uye haandirambi. Tine vana vanomwe, vazukuru 15 nezvizukurubvi asi nasekuru tinoramba tichigutsana nekuti tose tinoshandisa mishonga iyi.

“Mubhodhoro rimwe chete remushonga uyu munenge muine mishonga zana iyo yatinosanganisa – weti yegudo, mugezabhora, mugondorosi nemudanhatsindi – pakati pemimwe.

“Chinagwa changu ndechekuti rudo rwurambe rwuchipisa mudzimba,” vanodaro Gogo Mukwapura. “Gore rino varume vari kushandisa mushonga uyu vakawanda kudarika vakadzi, asi gore rapera vakadzi ndivo vainge vakawanda – zvinongosiyana.”

Vanoti mishonga yavo vanonoitora kumusha kwavo kuChipinge.

Vamwe vanotenga mishonga iyi vanonzi vanobva vangonwa guchu racho ipapo ipapo, vozoda mumwe wekuenda nawo. “Mudzimai haufaniri kungotonhora senyoka, saka tinokupa mishonga yekudziisa muviri. Vanhu vanofanira kudanana nekuti ndizvo zvimwe zvinoparadza wanano,” vanodaro vachitamba-tamba kuratidzira maitirwo azvo.

Mbuya Mugondachako vanoshora vanhu vanoshandisa zvidhori zvemagetsi senzira yekuzvifadza pabonde.

“Ini ndinozviramba, vakadzi ingodzidzai kutaura nevarume venyu murudo nekuti chidhori hachina ropa asi chinotokuvadza chibereko. Zvinoshoresa kunzwa kuti mai nhingi vaenda kuJoni kunotenga chidhori chekuita murume,” vanodaro. Chembere iyi inoti yaimbohaya kombi yekutakurisa mishonga asi iko zvino zvareruka nekuti vave kushandisa yavo.

“Ndaichengetesa mari kumwana wehanzvadzi yangu, payakawanda ndakabva ndati anditengere kombi kuBotswana zviroto zvangu zvikava chokwadi. Saka ndinotenda Mwari nevadzimu vangu – naiwo mushonga uyu zvangu zviri kufamba.”

Vanoti vanhu vanenge vari muwanano vanofanira kugutsana murudo kuitira kuti pasazoita nyaya dzekuti mumwe anofa aine chigumbu.

Share This:

Sponsored Links