Uncategorized

‘NDINOPINDA-PINDA NABABAMUDIKI’ . . . ‘Murume wangu anozviziva’ . . . ‘Zvinoita, iropa rimwe chete’

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘NDINOPINDA-PINDA NABABAMUDIKI’ . . . ‘Murume wangu anozviziva’ . . . ‘Zvinoita, iropa rimwe chete’ Jesca Depute

Kwayedza

MUKADZI wekwaNembudziya, kuGokwe, ndiye anonzi akarova shiri mbiri nedombo rimwe chete – ari kuparika varume mukoma nemunin’ina achiti “iropa rimwe chete”.

Mudzimai uyu ari kudura pasina kana kunyara kuti kana dai zvazvo akatanga nekuroorwa nemurume mumwe chete, pari zvino ava nebarika remukoma nemunin’ina.

Kudakwashe Chinhadada (43) nemunin’ina wake wemudumbu rimwe chete – Alfonse Chinhadada (37) – vachigara mubhuku raTakawira vari kuparikwa naJesca Depute (41) uyo akaroorwa naKudakwashe.

Jesca ari kuita kuimba chaiko – asina kana ganda kumeso – achiti anodanana nemukoma nemun’ina ava uye “babamudiki Alfonse vasatombozvirambe”.

“Ichokwadi. Ndakaenda kuKwekwe babamudiki vafona kumukoma wavo vachiti ndiuyeko kunotora mwana. Ndasvika ikoko, ndakawana amainini vasipo ndikanorara ndoga muimwe imba apo babamudiki vakazouya vakati vanondichiva zvikuru zvichibva zvangotanga.

“Vanoti vakandiendera kun’anga kuti tidanane,” anodaro Jesca.

Mudzimai uyu anoti haana zvaanokwanisa kuita sezvo achiti akashandisirwa mishonga yechivanhu.

“Pamazuva mana andakagarako iwayo, tairara tose muimba imwe chete. Babamudiki vakazondipa $20 iyo ndisina kutaurira murume wangu nezvayo,” anodaro.

“Asi chokwadi kunyangwe izvi zvakaitika, ini murume wangu ndinomuda. Iyi inongova tsaona yakaitika.

“Ini ndakaroorwa ndiine makore 17 okuberekwa uye tava nemhuri tose, uku kufuririka chete kwakaitika.”

Jesca anoti vabereki vake vakamuudza kuti adzokere kumurume wake apo akambenge aendeswa kumusha kwake.

“Vabereki vangu vakanditi titaurirane nemurume wangu, vachiti munhu wandiri kudanana naye munin’ina wemurume wangu izvo zvavanokati iropa rimwe chete saka ngavataurirane,” anodaro.

Kudakwashe Chinhadada

Kudakwashe – uyo anova muporofita wechipositori munzvimbo iyi – anotsinhira kuti nyaya yekudanana kwemudzimai wake naAlfonse akatanga kuinzwa nerunyerekupe mugore ra2015 apo akazoita tsvakurudzo yakamuita kuti azive chokwadi.

“Nyaya yamavinga yekuti ini nemunin’ina wangu tiri kuparikwa nemukadzi wandakaroora ini – kumubvisa kumusha kwavo – hadzisi nhema. Mukadzi wangu akandibudira pachena ndamubvunza nezvenyaya iyi akabvuma kuti anodanana nemunin’ina wangu Alfonse Chinhadada.

“Akatondiudza kuti vakashinha vose kakawanda,” anodaro Kudakwashe.

Anoti vaviri ava vakadanana mugore ra2015 apo mudzimai wake akaenda kubasa kuKwekwe iye ndokusara kumusha kuGokwe.

“Babamudiki vakaridza nhare kwandiri kuno kumusha vachiti vaida kuti amaiguru vauye vazotora mwana aivako. Ini ndakavabvumidza kuenda ndisingazive kuti ndaitopinza mbudzi mukanwa memapere. Mudzimai akanogara mazuva mana achiridza nhare achiti aizodzoka zvake ndisingazive kuti vaviri ava vainge votodanana,” anodaro Kudakwashe.

“Handizive, zvichida vanhu vakagara vachidanana muchivande nekuti mudzimai wangu akazodzoka kumusha ndokuzogara ava kungoenda kuKwekwe pasina zvikonzero zvaionekwa,” anodaro.

Murume uyu anoti akazotaura nemukadzi wake, uyo akabvuma kuti anodanana nemunin’ina wake achinerera kuti akasevenzeserwa mishonga kuti vadanane.

“Mudzimai anonditi munin’ina wangu akamuudza kuti akamuendera kun’anga kuti vadanane. Nyaya iyi yabuda, ini ndakaenda kumadzitezvara ndikanotaura kuti ndizvo zvavapo, ivo vakanditi ndinofanirwa kudzoka kumusha kuti tizogadzirisana nemudzimai pamwe chete nemunin’ina wangu,” anodaro Kudakwashe.

Zvisinei nekuti mudzimai wake anobuda pachena kuti anodanana nemunin’ina wake, Kudakwashe anoti: “Mukadzi wangu ndinongomuda zvakadaro.

“Takaita dare remusha wedu vanababa vangu vekwaNemangwe nanasekuru vekwaChirumhanzu mukadzi uyu akabvuma kuti anodanana nemunin’ina wangu. Vakanditi ndigare nemukadzi uyu, ndisamudzinge sezvo tiine vana.

“Vakatizve Alfonse anofanirwa kundiripa nekupinda uko akaita mumba mangu. Mukadzi ndinaye ndewangu, uyo Alfonse chikomba.”

Anoti akaroorana nemudzimai uyu mugore ra1994 uyo ane vana vashanu naye.

“Handizive kana Alfonse ndikazotaura naye akati anoda kuroora mukadzi uyu amaiguru vake, ndinomupa toenda kumadzitezvara tonotaura kuti ndiye ava mukuwasha wavo, kwete ini.”

Kudakwashe anoti akabata mashoko erudo munharembozha yemudzimai wake aibva kumunin’ina wake.

“Munyai wangu, Mai Lizzy Mercy Taruvinga, takavapira nyaya iyi apo takazoiendesa kuna tezvara wangu – Bothwell Depute – avo vakangoti tigadzirisane,” anodaro.

Alfonse haana kukwaniswa kutaurwa naye neKwayedza panhare yake kuti apindure oga nyaya iyi.

Jesca anoti haana kupfimbwa naAlfonse asi kuti “zvakangotanga pasina mashoko erudo”.

“Ndakatadza, ndinokumbira ruregerero kumurume wangu. Asi amainini mukadzi waAlfonse haazive nezvenyaya iyi, ndinonyara zvikuru vakaiziva. Vakambondifonera ndiri kuShamva ndikavati hapana iripo,” anodaro Jesca.

Sadunhu Nembudziya, VaFanuel Shamuyedova (54), vanoti nyaya iyi vachiri kuinzwa nerunyerekupe uye haisati yasvika mudare ravo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey