‘Ndinorohwa kunge imbwa’

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUMWE mudzimai anoti pose paanoona aimbova murume wake, hana yake inorova nekuti anomuzvindikita kumurova nekumutuka sembwa. Ruth Songore akataura mashoko aya kumutongi wedare reHarare Civil Court, Noah Gwatidzo, apo akamhan’arira Weston Chikurire uyo anogara kuMbare.

“Changamire, chikumbiro changu kudare idziviriro kubva kune aimbova murume wangu. “Anondirova nekundituka kunge imbwa,” anodaro.

Songore anoenderera mberi achiti, “Ndinokumbira kuti asauye kumba kwangu kuGlen View. Uyezve andipewo mari yangu yandakashandisa kuzvirapisa paakandirova ndikakuvara.

“Ngaasatombosvike zvake kumba kwangu nekuti ndinomutya uye ndinoziva kuti kuuya kwake zvibhakera bedzi.”

Songore anoti zvakare haadi kuti Chikurire asvike kubasa kwake.

“Ndinokumbirazve kuti asauye kubasa kwangu, handidi kutombomuona.”

Chikurire haana kuuya kudare.

Mutongi Gwatidzo akapa Songoro gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links